Ruka 22:1-71
22 Zvino mutambo wemakeke asina kuviriswa, wainzi Paseka,+ wakanga uchiswedera pedyo.
2 Uyewo, vapristi vakuru nevanyori vakanga vachitsvaka nzira inobudirira yokuti vamuuraye,+ nokuti vaitya vanhu.+
3 Asi Satani akapinda muna Judhasi, uya ainzi Iskariyoti, akanga ari mumwe wevane gumi nevaviri;+
4 uye akaenda, akataura nevapristi vakuru nevakuru vakuru vetemberi pamusoro penzira inobudirira yokumutengesa nayo kwavari.+
5 Ivo vakafara, vakabvuma kumupa mari yesirivha.+
6 Naizvozvo akabvuma, akatanga kutsvaka mukana wakanaka wokumutengesa kwavari pasina boka revanhu.+
7 Zvino zuva remakeke asina kuviriswa rakasvika, paifanira kubayirwa chibayiro chepaseka;+
8 uye iye akatuma Petro naJohani, achiti: “Endai munotigadzirira paseka+ kuti tidye.”
9 Ivo vakati kwaari: “Munoda kuti tinoigadzirira kupi?”
10 Iye akati kwavari:+ “Tarirai! Pamunopinda muguta muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei mumba maanopinda.+
11 Zvino muti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ati kwauri: “Imba yevaeni iri kupi mandingadyira paseka nevadzidzi vangu?”’+
12 Murume iyeye achakuratidzai imba huru yepamusoro yakashongedzerwa. Igadzirirei imomo.”+
13 Naizvozvo ivo vakaenda, vakazviwana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira paseka yacho.+
14 Pakupedzisira pakasvika awa yacho, akatsenhama patafura, nevaapostora vaakanga ainavo.+
15 Zvino akati kwavari: “Ndanga ndichida kwazvo kudya paseka iyi nemi ndisati ndatambura;
16 nokuti ndinokuudzai kuti, Handizoidyizve kusvikira zvazadzika muumambo hwaMwari.”+
17 Achigamuchira kapu,+ akaonga, akati: “Itorei muipfuudze kune mumwe nomumwe pakati penyu;
18 nokuti ndinokuudzai kuti, Kubvira zvino handichanwi zvakare zvibereko zvomuzambiringa kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.”+
19 Akatorawo chingwa,+ akaonga, akachimedura, akavapa, achiti: “Ichi chinomirira muviri wangu+ uchapiwa nokuda kwenyu.+ Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”+
20 Akatorawo kapu+ sezvaakanga amboita vapedza kudya kwemanheru, achiti: “Kapu iyi inomirira sungano+ itsva muropa rangu,+ ramuchadururirwa.+
21 “Asi tarirai! ruoko rwomutengesi+ wangu runeni patafura.+
22 Nokuti Mwanakomana womunhu ari kuenda maererano nezvakatarwa;+ asi kunyange zvakadaro, ane nhamo munhu iyeye anomutengesa!”+
23 Naizvozvo vakatanga kutaurirana nyaya yokuti chokwadi ndiani wavo akanga ava kuda kuita izvi.+
24 Zvisinei, pakavawo nenharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.+
25 Asi iye akati kwavari: “Madzimambo emamwe marudzi anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri.+
26 Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro.+ Asi mukuru pakati penyu ngaave somuduku pane vose,+ uye anoita somukuru souya anoshumira.+
27 Nokuti mukuru ndiani, akatsenhama patafura kana uya ari kushumira? Haasi iye akatsenhama patafura here? Asi ini ndiri pakati penyu souya ari kushumira.+
28 “Zvisinei, imi ndimi makaramba muneni+ mumiedzo yangu;+
29 uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano+ youmambo+ neni kwakaita Baba vangu,
30 kuti mudye+ nokunwa patafura yangu muumambo hwangu,+ mugare pazvigaro zvoumambo+ kuti mutonge madzinza ane gumi nemaviri aIsraeri.
31 “Simoni, Simoni, tarira! Satani+ akarayira kuti ave nemi akuzungurei segorosi.+
32 Asi ndakakutetererera+ kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa+ hama dzako.”
33 Iye akabva ati kwaari: “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mujeri nomurufu.”+
34 Asi iye akati: “Petro, ndinokuudza kuti, Jongwe harizoriri nhasi kusvikira waramba katatu kuti unondiziva.”+
35 Akatiwo kwavari: “Pandakakutumai+ musina chikwama nehomwe yezvokudya nehwashu, pane chamakashayiwa here?” Ivo vakati: “Aiwa!”
36 Akabva ati kwavari: “Asi zvino ane chikwama ngaachitore, uyewo ngaatore homwe yezvokudya; uye uya asina bakatwa ngaatengese nguo yake yokunze aritenge.
37 Nokuti ndinokuudzai kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvokuti, ‘Akaverengwa pamwe chete nevasingateereri mutemo.’+ Nokuti icho chine chokuita neni chiri kuitika.”+
38 Ivo vakabva vati: “Ishe, tarirai! heano mapakatwa maviri.” Iye akati kwavari: “Iwaya akwana.”
39 Paakabuda, akaenda kuGomo reMiorivhi sezvaaigara achiita; uye vadzidzi vakamuteverawo.+
40 Vasvika panzvimbo yacho akati kwavari: “Rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+
41 Zvino iye akabva pavaiva akaenda kure navo kunenge kunosvika dombo rikakandwa, akapfugama, akatanga kunyengetera,
42 achiti: “Baba, kana muchida, bvisai kapu iyi kwandiri. Kunyange zvakadaro, kuda kwangu ngakurege kuitwa,+ asi kwenyu.”+
43 Ngirozi yakabva kudenga yakabva yazviratidza kwaari, ikamusimbisa.+
44 Asi achirwadziwa akaramba achinyengetera nomwoyo wose;+ uye ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.+
45 Akasimuka kubva paainyengetera, akaenda kwaiva nevadzidzi, akavaona vachitsimwaira nokuda kweshungu;+
46 uye akati kwavari: “Muri kurarirei? Mukai murambe muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.”+
47 Achiri kutaura, tarira! kwaiva neboka revanhu, uye murume ainzi Judhasi, mumwe wevane gumi nevaviri, akanga achivatungamirira;+ uye akaswedera kuna Jesu kuti amutsvode.+
48 Asi Jesu akati kwaari: “Judhasi, unotengesa Mwanakomana womunhu nokutsvoda here?”+
49 Vaya vaiva pedyo naye pavakaona zvakanga zvichizoitika, vakati: “Ishe, totema nemapakatwa here?”+
50 Mumwe wavo akatotema muranda womupristi mukuru akabvisa nzeve yake yokurudyi.+
51 Asi achipindura, Jesu akati: “Ngazvigumire ipapa.” Akabata nzeve yacho, akamuporesa.+
52 Jesu akabva ati kuvapristi vakuru nevakuru vakuru vetemberi nevarume vakuru vakanga vamuvinga ikoko: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo here?+
53 Pandaiva nemi mutemberi+ zuva nezuva hamuna kunditambanudzira maoko enyu.+ Asi ino iawa yenyu+ nesimba+ rerima.”+
54 Vakabva vamusunga, vakaenda+ naye, vakapinda naye mumba momupristi mukuru;+ asi Petro akanga achitevera ari nechokure zvishoma.+
55 Pavakabatidza moto pakati pechivanze uye vakagara pamwe chete, Petro akanga agere pakati pavo.+
56 Asi mumwe mushandikadzi akamuona agere pamoto waibvira chaizvo akanyatsomutarira, akati: “Murume uyu aivawo naye.”+
57 Asi iye akaramba,+ achiti: “Iwe mukadzi, ini handimuzivi.”+
58 Pashure penguva pfupi mumwe munhu paakamuona akati: “Newewo uri mumwe wavo.” Asi Petro akati: “Iwe murume, handisi.”+
59 Zvino pashure peinenge awa, mumwe murume akatanga kuomerera kwazvo achiti: “Chokwadi murume uyuwo aiva naye; nokuti, chokwadi, iye muGarireya!”+
60 Asi Petro akati: “Iwe murume, handizivi zvauri kutaura.” Pakarepo, achiri kutaura, jongwe rakabva rarira.+
61 Zvino Ishe akatendeuka, akatarira Petro, Petro akabva ayeuka mashoko aIshe paakati kwaari: “Jongwe risati rarira nhasi uchandiramba katatu.”+
62 Uye akabuda panze, akasvimha misodzi kwazvo.+
63 Zvino varume vakanga vamusunga vakatanga kumuseka,+ vachimurova;+
64 uye pashure pokunge vamufukidza vaimubvunza, vachiti: “Profita. Ndiani akurova?”+
65 Vakataura zvimwe zvinhu zvizhinji zvokumumhura.+
66 Pakupedzisira kwaedza, ungano yevarume vakuru vevanhu, vapristi vakuru nevanyori, yakaungana,+ vakaenda naye muimba yavo yeSanihedrini, vachiti:+
67 “Kana uri iwe Kristu,+ tiudze.” Asi iye akati kwavari: “Kunyange kana ndikakuudzai, hamungambozvitendi.+
68 Zvakare, kana ndikakubvunzai, hamungambopinduri.+
69 Zvisinei, kubvira zvino Mwanakomana womunhu+ achange agere kuruoko rwaMwari+ rworudyi rune simba.”+
70 Vose vakabva vati: “Saka, uri Mwanakomana waMwari here?” Iye akati kwavari: “Imimi ndimi muri kutaura+ kuti ndini.”
71 Ivo vakati: “Tichadireizve humwe uchapupu?+ Nokuti isu tazvinzwira kubva mumuromo make.”+

