Revhitiko 5:1-19
5 “‘Zvino kana mweya+ ukatadza pakuti munhu wacho akanzwa kutuka+ kwakaitwa pachena, ari chapupu kana kuti iye akazviona kana kuti akazviziva, kana akasazvitaura,+ anofanira kuzvidavirira kukanganisa kwake.
2 “‘Kana kuti kana mweya ukabata chinhu chisina kuchena, chingava chitunha chemhuka yomusango isina kuchena kana kuti chitunha chechipfuwo chisina kuchena kana kuti chimwe chitunha chezvisikwa zvinofamba zvakawanda,+ kunyange munhu wacho anga asingazvizivi,+ iye achiri asina kuchena uye ane mhosva.+
3 Kana kuti kana akagunzva zvinhu zvisina kuchena zvomunhu pazvinhu zvake zvisina kuchena chero zvipi zvazvo+ zvaangasvibiswa nazvo, kunyange anga asingazvizivi, asi iye ava kuzviziva, ane mhosva.
4 “‘Zvino kana mweya ukapika zvokuti munhu wacho anotaura nemiromo yake asingafungi+ kuti aite zvakaipa+ kana kuti aite zvakanaka zvine chokuita nechinhu chero chipi zvacho chingataurwa nomunhu asingambofungi nemashoko okupika,+ kunyange anga asingazvizivi, asi iye ava kuzviziva, ane mhosva yechimwe chezvinhu izvi.
5 “‘Zvino kana akava nemhosva yechimwe chezvinhu izvi, anofanira kureurura+ kuti akatadza sei.
6 Anofanira kuuya nechinopiwa chake chemhosva+ kuna Jehovha nokuda kwechivi chake chaakaita, zvinoti, mhuka hadzi inobva paboka rezvipfuwo, gwayana gadzi kana kuti mbudzana hadzi,+ kuti ive chinopiwa chechivi; uye mupristi anofanira kumuyananisira chivi chake.+
7 “‘Kana asingagoni kuwana gwai,+ anofanira kuuya nemagukutiwa+ maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri kuna Jehovha kuti chive chinopiwa chake chemhosva nokuda kwechivi chaakaita, imwe nokuda kwechinopiwa chechivi+ uye imwe yacho nokuda kwechinopiwa chinopiswa.
8 Anofanira kuuya nazvo kumupristi, uyo anofanira kutanga kupa iya yechinopiwa chechivi, ogura+ musoro wayo nechepamberi pomutsipa wayo, asi ngaarege kuudambura.
9 Iye anofanira kusasa rimwe ropa rechinopiwa chechivi kurutivi rweatari, asi ropa rinosara ngaridururirwe muzasi meatari.+ Icho chinhu chinopiwa chechivi.
10 Ngaape imwe yacho kuti ive chinopiwa chinopiswa maererano nezvinogara zvichiitwa;+ uye mupristi anofanira kumuyananisira+ chivi chake chaakaita, akanganwirwe.+
11 “‘Zvino kana asingagoni kuwana+ magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa duku mbiri, anofanira kuuya nechegumi cheefa+ yefurawa yakatsetseka sechinopiwa chake nokuda kwechivi chaakaita kuti chive chinopiwa chechivi. Haafaniri kuisa mafuta+ pamusoro pacho uye haafaniri kuisa zvinonhuhwirira zvichena pamusoro pacho, nokuti icho chinhu chinopiwa chechivi.+
12 Anofanira kuuya nayo kumupristi, uye mupristi anofanira kunokora tsama yake kuti ive chiyeuchidzo+ chacho uye anofanira kuita kuti ipfungaire paatari yezvinopiwa zvinopisirwa Jehovha nomoto.+ Icho chinhu chinopiwa chechivi.+
13 Mupristi anofanira kumuyananisira+ chivi chake chero chipi zvacho chaakaita, pazvivi izvi, akanganwirwe; uye zvasara ngazvive zvomupristi+ sezvinoitwa chinopiwa chezviyo.’”
14 Zvino Jehovha akaramba achitaura naMosesi, achiti:
15 “Kana mweya ukava usina kutendeka pakuti munhu wacho anotadzira zvinhu zvitsvene zvaJehovha nokusaziva,+ anofanira kuuya negondohwe rakanaka rinobva pamakwai kuti rive chinopiwa chake chemhosva+ kuna Jehovha, zvinoenderana nokukosha kwakatarwa kwemashekeri esirivha,+ kana tichienzanisa neshekeri renzvimbo tsvene, kuti rive chinopiwa chemhosva.
16 Ngaaripe nokuda kwechivi chaakaitira nzvimbo tsvene uye ngaawedzere kwachiri chikamu chacho chimwe chete pazvikamu zvishanu,+ uye anofanira kuchipa mupristi, kuti mupristi wacho amuyananisire+ negondohwe rechinopiwa chemhosva, akanganwirwe.+
17 “Kana mweya ukatadza pakuti munhu wacho anoita chimwe chezvinhu zvose zvinorayirwa naJehovha kuti hazvifaniri kuitwa, kunyange asina kuzviziva,+ asi ava nemhosva uye achazvidavirira kukanganisa kwake.+
18 Anofanira kuuya kumupristi negondohwe rakanaka rinobva pamakwai zvinoenderana nokukosha kwakatarwa, kuti chive chinopiwa chemhosva;+ uye mupristi anofanira kumuyananisira+ kukanganisa kwake kwaakaita nokusaziva, kunyange iye asina kuzviziva, akanganwirwe.+
19 Icho chinhu chinopiwa chemhosva. Chokwadi iye ava nemhosva+ pamberi paJehovha.”

