Numeri 20:1-29
20 Zvino vanakomana vaIsraeri, ungano yose zvayo, vakasvika kurenje reZini+ mumwedzi wokutanga, uye vanhu vakagara muKadheshi.+ Miriyemu+ akafira imomo uye akavigwa imomo.
2 Zvino kwakanga kusina mvura nokuda kweungano,+ ivo vakatanga kuunganira Mosesi naAroni.+
3 Vanhu vakapopotera+ Mosesi, vachiti: “Kudai takafa hedu pakafa hama dzedu pamberi paJehovha!+
4 Makauyisirei ungano yaJehovha murenje rino kuti isu nemhuka dzedu dzinotakuriswa zvinhu tifire imomo?+
5 Makatibudisirei muIjipiti kuti mutiuyise munzvimbo ino yakaipa?+ Haisi nzvimbo yembeu nemaonde nemazambiringa nemapomegraneti,+ uye hapana mvura yokuti tinwe.”
6 Zvino Mosesi naAroni vakabva pamberi peungano vakaenda kusuo retende rokusanganira, vakawira pasi nezviso zvavo,+ uye vakaratidzwa kubwinya kwaJehovha.+
7 Jehovha akabva ataura naMosesi, achiti:
8 “Tora tsvimbo,+ uunganidze ungano, iwe naAroni mukoma wako, uye muudze ibwe pamberi pavo kuti ribudise mvura yaro; uye munofanira kuvabudisira mvura inobva paibwe mopa ungano nemhuka dzavo dzinotakuriswa zvinhu chokunwa.”+
9 Naizvozvo Mosesi akatora tsvimbo pamberi paJehovha,+ sezvaakanga amurayira.
10 Pashure paizvozvo Mosesi naAroni vakaunganidza ungano pamberi peibwe, iye akati kwavari: “Chinzwai, zvino, imi vapanduki!+ Tikubudisirei mvura inobva paibwe iri here?”+
11 Naizvozvo Mosesi akasimudza ruoko rwake, akarova ibwe racho kaviri netsvimbo yake; mvura zhinji ikabuda, ungano ikanwa pamwe chete nemhuka dzavo dzinotakuriswa zvinhu.+
12 Gare gare Jehovha akati kuna Mosesi naAroni: “Zvamusina kuva nokutenda mandiri kuti munditsvenese+ vanakomana vaIsraeri vachizviona, naizvozvo hamusi kuzopinza ungano iyi munyika yandichavapa.”+
13 Iyi ndiyo mvura yeMeribha,+ nokuti vanakomana vaIsraeri vakapopotera Jehovha, zvokuti iye akatsveneswa pakati pavo.
14 Naizvozvo Mosesi akatuma nhume kubva kuKadheshi kuti dziende kuna mambo weEdhomu+ kunoti: “Zvanzi nomunun’una wenyu Israeri,+ ‘Imi munonyatsoziva kutambudzika kwose kwakatiwira.+
15 Madzibaba edu akaenda kuIjipiti,+ uye takaramba tigere muIjipiti kwemazuva mazhinji;+ asi vaIjipiti vakatanga kutikuvadza isu nemadzibaba edu.+
16 Takazochema kuna Jehovha,+ iye akanzwa inzwi redu, akatuma ngirozi,+ akatibudisa muIjipiti; uye tiri muno muKadheshi, guta riri kumugumo kwenharaunda yenyu.
17 Tapota, tibvumireiwo kuti tipfuure nomunyika yenyu. Hatizopfuuri nomumunda kana nomumunda wemizambiringa, uye hatizonwi mvura yetsime. Tichafamba nomumugwagwa wamambo.+ Hatizotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe,+ kusvikira tapfuura munharaunda yenyu.’”
18 Asi Edhomu akati kwaari: “Usapfuura nokwandiri, kuti ndirege kubuda nebakatwa kuzosangana newe.”
19 Vanakomana vaIsraeri vakatiwo kwaari: “Tichaenda nomugwagwa mukuru; uye kana ini nezvipfuwo zvangu tikanwa mvura yenyu, ndichakupaiwo mutengo wayo.+ Handina chimwe chinhu chandinoda kunze kwokupfuura netsoka dzangu.”+
20 Asi iye akati: “Usapfuura.”+ Naizvozvo Edhomu+ akabuda kuti asangane naye aine vanhu vakawanda kwazvo noruoko rune simba.
21 Naizvozvo Edhomu haana kubvumira Israeri kuti apfuure nomunharaunda yake.+ Nokudaro Israeri akabva kwaari.+
22 Zvino vanakomana vaIsraeri, iyo ungano yacho yose, vakatama kuKadheshi+ vakasvika kuGomo reHori.+
23 Jehovha akabva ati kuna Mosesi naAroni vari muGomo reHori pedyo nomuganhu wenyika yaEdhomu:
24 “Aroni achaiswa kwakaiswa vanhu vokwake,+ nokuti haasi kuzopinda munyika yandichapa vanakomana vaIsraeri, nokuti imi makapandukira murayiro wangu pamusoro pemvura yeMeribha.+
25 Tora Aroni naEriyezari mwanakomana wake, ukwire navo muGomo reHori.
26 Pfekenura Aroni nguo dzake,+ udzipfekedze mwanakomana wake Eriyezari;+ uye Aroni achaiswa kwakaiswa vanhu vokwake uye achafira imomo.”+
27 Naizvozvo Mosesi akaita sezvaakanga arayirwa naJehovha; uye ivo vakakwira muGomo reHori ungano yose ichizviona.
28 Mosesi akabva apfekenura Aroni nguo dzake, akadzipfekedza mwanakomana wake Eriyezari, Aroni achibva afira ipapo pamusoro pegomo.+ Mosesi naEriyezari vakaburuka mugomo racho.
29 Ungano yose yakaona kuti Aroni akanga afa, uye imba yose yaIsraeri yakaramba ichichema Aroni kwemazuva makumi matatu.+

