Muparidzi 12:1-14
12 Yeukawo Musiki wako Mukuru+ mumazuva oujaya hwako,+ mazuva okutambudzika asati auya,+ kana kuti makore asati asvika pauchazoti: “Handizvifariri”;+
2 zuva nechiedza nomwedzi nenyeredzi zvisati zvasviba,+ uye makore asati adzokera, mvura ichizonaya;
3 pazuva rinodedera vachengeti veimba,+ varume vane simba vakotama,+ vakadzi vanokuya+ varega kushanda nokuti vava vashoma, vakadzi vanoona nepamahwindo+ vasvibirwa;
4 masuo akatarira kumugwagwa avharwa,+ kurira kweguyo pakunenge kwava kunzwikira pasi pasi,+ munhu omutswa nokurira kweshiri, uye vanasikana vose vorwiyo vava kunzwikira pasi pasi.+
5 Uyewo, vava kutya zvinhu zvakakwirira, munzira muine zvinovhundutsa. Muti womuarumondi watumbuka,+ hwiza yozvizvuzvurudza, uye muchero unonzi mukapabheri watsemuka, nokuti munhu ari kufamba achienda kuimba yake inogara kwenguva refu+ uye vanoungudza vafora vachitenderera vari mumugwagwa;+
6 tambo yesirivha isati yabviswa, ndiro yendarama isati yaputswa,+ chirongo chiri patsime chisati chapwanyika, uye chichereso chinomonererwa chomugodhi chisati chaparadzwa.
7 Pashure paizvozvo guruva rinodzokera kuivhu+ sezvarakanga rakaita uye simba roupenyu+ rinodzokera kuna Mwari+ wechokwadi akaripa.+
8 “Hazvina zvazvinombobatsira!” akadaro muunganidzi,+ “Zvinhu zvose hazvina zvazvinobatsira.”+
9 Kunze kwokuti muunganidzi akanga akachenjera,+ iye akaramba achidzidzisawo vanhu zivo,+ uye akafungisisa, akatsvakisisa,+ kuti aronge zvirevo zvizhinji.+
10 Muunganidzi akatsvaka kuti awane mashoko anofadza+ uye akatsvaka kunyora mashoko akarurama echokwadi.+
11 Mashoko evakachenjera akaita sezvokubayisa mombe,+ uye vaya vanounganidza mitsetse yemashoko vakaita sezvipikiri zvakaroverwa;+ akapiwa achibva kumufudzi mumwe chete.+
12 Kana chiri chinhu chero chipi zvacho kunze kweizvi, mwanakomana wangu, teerera kunyeverwa: Kuita mabhuku mazhinji hakuperi, uye kunyanya kuzvipira kwaari kunonetesa nyama.+
13 Pashure pokunge zvinhu zvose zvanzwiwa, mhedziso yenyaya yacho ndeiyi: Itya Mwari wechokwadi+ uchengete mirayiro yake.+ Nokuti izvi ndizvo zvose zvinosungirwa kuti munhu aite.
14 Nokuti Mwari wechokwadi achatonga mabasa emarudzi ose ane chokuita nezvinhu zvose zvakavanzika, zvingave zvakanaka kana kuti zvakaipa.+

