Mateu 8:1-34

8  Pashure pokunge aburuka mugomo, mapoka makuru evanhu akamutevera. 2  Zvino tarira! murume aiva nemaperembudzi+ akauya akatanga kumupfugamira, achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” 3  Naizvozvo, achitambanudza ruoko rwake, akamubata, achiti: “Ndinoda. Cheneswa.”+ Maperembudzi ake akabva angocheneswa.+ 4  Jesu akabva ati kwaari: “Ona kuti hapana waunoudza,+ asi enda, uzviratidze kumupristi,+ upe chipo+ chakarayirwa naMosesi, kuti zvive uchapupu kwavari.” 5  Paakapinda muKapenaume,+ mumwe mukuru weuto akauya kwaari, achimuteterera, 6  achiti: “Changamire, mushandirume wangu akarara mumba akaoma rutivi rwomuviri, achitambudzika kwazvo.” 7  Iye akati kwaari: “Pandinosvika ikoko ndichamurapa.” 8  Achipindura, mukuru weuto akati: “Changamire, handisi munhu akakodzera kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu, asi taurai henyu shoko uye mushandirume wangu achaporeswa. 9  Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pesimba revamwe, ndine varwi vari pasi pangu, ndinoti kune uyu, ‘Enda!’+ uye anoenda, uye kune mumwe, ‘Uya!’ uye anouya, uye kumuranda wangu, ‘Ita izvi!’ uye anozviita.” 10  Achinzwa izvozvo, Jesu akashamiswa akati kune vaya vakanga vachimutevera: “Ndinokuudzai chokwadi, Handina kuwana munhu ane kutenda kwakakura kudai pakati paIsraeri.+ 11  Asi ndinokuudzai kuti vazhinji vanobva kumativi okumabvazuva nokumativi okumavirira+ vachauya votsenhama patafura naAbrahamu naIsaka naJakobho muumambo+ hwokumatenga;+ 12  asi vanakomana voumambo+ vachakandwa murima riri kunze. Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.”+ 13  Jesu akabva ati kumukuru weuto: “Enda. Zvawatenda, saka ngazviitike nokuda kwako.”+ Mushandirume wacho akaporeswa muawa iyoyo. 14  Zvino Jesu, paakapinda mumba maPetro, akaona amai vomudzimai wake+ varere vachirwara nefivha.+ 15  Naizvozvo akabata ruoko rwavo,+ fivha ikapera, uye vakasimuka vakatanga kumushumira.+ 16  Asi ava manheru, vanhu vakauya kwaari nevanhu vazhinji vaiva nemadhimoni; uye akadzinga midzimu yacho neshoko, akarapa vose vakanga vachinetseka; 17  kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya, achiti: “Iye akatora zvirwere zvedu, akatakura hosha dzedu.”+ 18  Jesu paakaona boka revanhu rakamupoteredza, akarayira kuti vayambukire mhiri.+ 19  Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari: “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamave kuda kuenda.”+ 20  Asi Jesu akati kwaari: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.”+ 21  Mumwe wevadzidzi akabva ati kwaari: “Ishe, ndibvumirei kuti nditange ndaenda kunoviga baba vangu.” 22  Jesu akati kwaari: “Ramba uchinditevera, uye rega vakafa vavige vakafa vavo.”+ 23  Paakanga akwira muchikepe,+ vadzidzi vake vakamutevera. 24  Zvino tarira! kusagadzikana kukuru kwakavapo mugungwa, zvokuti chikepe chakanga chichifukidzwa nemafungu; asi iye akanga akarara.+ 25  Vakauya vakamumutsa,+ vachiti: “Ishe, tiponesei, tava kuda kuparara!” 26  Asi iye akati kwavari: “Nei muchitya, imi mune kutenda kuduku?”+ Ipapo, achimuka, akatuka mhepo negungwa, kudzikama kukuru kukavapo.+ 27  Naizvozvo varume vacho vakashamiswa, vakati: “Uyu munhu worudzii,+ zvokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?” 28  Paakasvika mhiri, munyika yevaGadhara,+ varume vaviri vaiva nemadhimoni vakasangana naye imomo+ vachibva kumakuva, vachityisa kwazvo, zvokuti hapana kana munhu aiva noushingi hwokupfuura nepamugwagwa iwoyo. 29  Zvino tarira! ivo vakashevedzera, vachiti: “Tinei nemi, Mwanakomana waMwari?+ Mauya kuno kuzotirwadzisa+ nguva yakatarwa isati yasvika here?”+ 30  Asi boka renguruve zhinji rakanga richifura kure navo. 31  Naizvozvo madhimoni akatanga kumuteterera, achiti: “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”+ 32  Naizvozvo iye akati kwaari: “Endai!” Iwo akabuda akapinda munguruve; uye, tarira! boka racho rose rakamhanya nepamawere rikapinda mugungwa rikafira mumvura.+ 33  Asi vafudzi vakatiza uye, vachipinda muguta, vakataura zvinhu zvose, kubatanidza nyaya yevarume vaiva nemadhimoni. 34  Zvino tarira! guta rose rakabuda kuzosangana naJesu; uye vamuona, vakamukurudzira nomwoyo wose kuti abve mumaruwa avo.+

Mashoko Emuzasi