Pisarema 99:1-9

99  Jehovha ava mambo.+ Marudzi ngaadedere.+Iye agere pamakerubhi.+ Nyika ngaizununguke.+  2  Jehovha mukuru muZiyoni,+Uye ari kumusoro kwemarudzi ose.+  3  Iwo ngaarumbidze zita renyu.+Iguru uye rinotyisa, idzvene.+  4  Iye akada kururamisira nesimba ramambo.+Imi makasimbisa kururama.+Makaruramisira uye makaita zvakarurama pakati paJakobho.+  5  Kudzai Jehovha Mwari wedu,+ mumukotamire muri pachitsiko chetsoka dzake;+Iye mutsvene.+  6  Mosesi naAroni ndivo vaiva vamwe vevapristi vake,+Samueri aiva mumwe wevaya vaidana zita rake.+Vaishevedzera kuna Jehovha, uye iye airamba achivapindura.+  7  Akaramba achitaura navo ari mushongwe yegore.+Vakachengeta zviyeuchidzo zvake nomurau waakavapa.+  8  Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura.+Makava Mwari aivaregerera,+Aitsiva mabasa avo aiva nomukurumbira wakaipa.+  9  Kudzai Jehovha Mwari wedu+Uye mukotamirei muri pagomo rake dzvene.+Nokuti Jehovha Mwari wedu mutsvene.+

Mashoko Emuzasi