Pisarema 84:1-12

Nokuda kwomutungamiriri weGititi.+ Rwiyo rwevanakomana vaKora. 84  Tebhenekeri yenyu huru yakanaka sei,+Haiwa Jehovha wemauto!+  2  Mweya wangu wasuwa zvivanze zvaJehovha uye waperawo simba nokuda kwazvo.+Mwoyo wangu nenyama yangu zvinoshevedzera nomufaro kuna Mwari mupenyu.+  3  Kunyange shiri yakawana imba,Nenyenganyenga yakazviwanira dendere,Mayakaisa vana vayo—Ipo paatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto, Mambo wangu naMwari wangu!  4  Vanofara vaya vanogara muimba yenyu!+Vachiri kuramba vachikurumbidzai.+ Sera.  5  Vanofara vanhu vanowana simba ravo kwamuri,+Vane mwoyo inofunga nezvemigwagwa mikuru.+  6  Vachipfuura nomubani remakwenzi emiti inonzi mibheka,+Vanoriita chitubu chemvura;Murayiridzi+ anozviputira nezvikomborero.  7  Vacharamba vachifamba vachiwedzera simba pamusoro perimwe simba;+Mumwe nomumwe anozviratidza kuna Mwari muZiyoni.+  8  Haiwa Jehovha Mwari wemauto, inzwai munyengetero wangu;+Teererai, haiwa Mwari waJakobho.+ Sera.  9  Haiwa imi nhoo yedu, onai, haiwa Mwari,+Tarirai chiso chomuzodziwa wenyu.+ 10  Nokuti zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo.+Ndakasarudza kumira pachikumbaridzo muimba yaMwari wangu+Panzvimbo pokufamba-famba mumatende ezvakaipa.+ 11  Nokuti Jehovha Mwari izuva+ nenhoo;+Anopa nyasha nokukudzwa.+Jehovha haazonyimi vaya vanofamba vasina mhosva chero chinhu chipi zvacho chakanaka.+ 12  Haiwa Jehovha wemauto, anofara munhu anovimba nemi.+

Mashoko Emuzasi