Pisarema 78:1-72
Maskiri. Rwiyo rwaAsafi.+
78 Haiwa imi vanhu vangu, teererai mutemo wangu;+Rerekerai nzeve dzenyu kune zvinotaurwa nomuromo wangu.+
2 Ndichashama muromo wangu ndichitaura chirevo;+Ndichaita kuti zvirahwe zvekare kare zvibude,+
3 Zvatakanzwa nezvatinoziva,+Zvakarondedzerwa kwatiri nemadzibaba edu;+
4 Zvatisingavanziri vanakomana vavo,+Tichizvirondedzerawo kuchizvarwa chichauya,+Kurumbidzwa kwaJehovha nesimba rake+Nezvinhu zvake zvinoshamisa zvaakaita.+
5 Akamutsa chiyeuchidzo pakati paJakobho,+Akaisa mutemo pakati paIsraeri,+Zvinhu zvaakarayira madzitateguru edu,+Kuti zvizivikanwe nevanakomana vawo;+
6 Kuti chizvarwa chaizouya, ivo vanakomana vaizoberekwa, vazvizive,+Kuti vasimuke vazvirondedzere kuvanakomana vavo,+
7 Kuti vavimbe naMwari+Uye varege kukanganwa mabasa aMwari+ asi kuti vachengete mirayiro yake.+
8 Havafaniri kuita semadzitateguru avo,+Chizvarwa chakanga chakasindimara uye chaipandukira,+Chizvarwa chakanga chisina kugadzirira mwoyo wacho+Uye chakanga chiine mafungiro asina kuvimbika kuna Mwari.+
9 Vanakomana vaEfremu, kunyange vaiva vanhu vanopfura nouta,+Vakadzoka shure pazuva rokurwa.+
10 Havana kuchengeta sungano yaMwari,+Uye vakaramba kufamba mumutemo wake.+
11 Vakatangawo kukanganwa zvaakaita+Nemabasa ake anoshamisa aakavaratidza.+
12 Akanga aita zvinoshamisa pamberi pemadzitateguru avo+Munyika yeIjipiti,+ imo munyika yeZoani.+
13 Akakamura gungwa, kuti avayambutse,+Akamisa mvura sedziva.+
14 Akaramba achivatungamirira negore masikati+Uye usiku hwose nechiedza chomoto.+
15 Akatsemura matombo murenje,+Kuti avanwise mvura zhinji semvura yepakadzika.+
16 Akabudisa hova muibwe+Uye akaita kuti mvura iyerere sezvinoita nzizi.+
17 Asi ivo vakaramba vachimutadzira+Nokupandukira Wokumusorosoro munzvimbo isina mvura;+
18 Vakaedza Mwari mumwoyo mavo+Nokukumbirira mweya yavo zvokudya.+
19 Naizvozvo vakatanga kutaura zvakaipa nezvaMwari.+Vakati: “Mwari anokwanisa kugadzira tafura yezvokudya murenje here?”+
20 Tarirai! Akarova dombo+Kuti mvura iyerere uye hova dzifashamire.+“Anokwanisawo kupa chingwa here,+Kana kuti anokwanisawo kugadzirira vanhu vake zvokudya here?”+
21 Ndokusaka Jehovha akazvinzwa, akashatirwa kwazvo;+Moto wakabatidzirwa Jakobho,+Uye akatsamwirawo Israeri kwazvo.+
22 Nokuti havana kutenda muna Mwari,+Havana kuvimba nokuponesa kwaanoita.+
23 Akarayira matenga ane makore kumusoro,Akavhura masuo okudenga.+
24 Akaramba achivanayisira mana kuti vadye,+Akavapa zviyo zvokudenga.+
25 Vanhu vakadya chingwa chevane simba;+Akavatumira zvokudya kusvikira vaguta.+
26 Akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute kumatenga+Uye akaita kuti mhepo yokumaodzanyemba ivhuvhute nesimba rake.+
27 Akanayisa zvokudya pamusoro pavo seguruva,+Nezvisikwa zvinobhururuka sejecha remakungwa.+
28 Akaramba achizviwisira pakati pomusasa wake,+Kumativi ose etebhenekeri dzake.+
29 Vakadya vakaguta kwazvo,+Uye akavaunzira zvavaida.+
30 Vakanga vasati varega zvavaida,Zvokudya zvavo pazvakanga zvichiri mumuromo mavo,+
31 Mwari paakavatsamwira.+Akauraya vakasimba vavo;+Uye akawisa majaya aIsraeri.
32 Pasinei neizvi zvose vakatadzazve+Uye havana kutenda mabasa ake anoshamisa.+
33 Naizvozvo akagumisa mazuva avo semhepowo zvayo inofemwa,+Uye makore avo nenyonganyonga.
34 Paaivauraya kazhinji, ivo vaimutsvakawo,+Uye vaidzoka, votsvaka Mwari.+
35 Vakatanga kuyeuka kuti Mwari aiva Dombo ravo,+Uye kuti Mwari Wokumusorosoro aiva Mutsivi nokuda kwavo.+
36 Vakaedza kumunyengedza nomuromo wavo;+Vakaedza kumurevera nhema norurimi rwavo.+
37 Mwoyo yavo yakanga isina kuvimbika kwaari;+Havana kuva vakatendeka kusungano yake.+
38 Asi iye aiva nengoni;+ aifukidza kukanganisa+ orega kuparadza.+Kazhinji aidzora hasha dzake,+Aisamutsa hasha dzake dzose.
39 Akaramba achiyeuka kuti vakanga vari venyama,+Kuti simba roupenyu riri kubuda uye haridzoki.+
40 Vaimupandukira kazhinji sei murenje,+Vaimurwadzisa sei mugwenga!+
41 Asi vaiedza Mwari vamuedzazve,+Uye vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri.+
42 Havana kuyeuka ruoko rwake,+Zuva raakavadzikinura pamhandu,+
43 Maitiro aakaita zviratidzo zvake muIjipiti+Nezvishamiso zvake munyika yeZoani;+
44 Machinjiro aakaita migero yavo yaNire kuti ive ropa,+Zvokuti vaisagona kunwa mvura inobva muhova dzavo.+
45 Akavatumira mbuo, kuti dzivadye;+Nematatya, kuti iwo avaparadze.+
46 Akapa mapete zvibereko zvavo,Akapa mhashu+ zvavakashandira zvakaoma.
47 Akauraya mizambiringa yavo nechimvuramabwe+Nemitsamvi yavo nechimvuramabwe chikuru.+
48 Akaurayisa mhuka dzavo dzokutakurisa zvinhu nechimvuramabwe+Uye akaurayisa zvipfuwo zvavo nefivha huru.
49 Akavatumira hasha dzake huru,+Kushatirwa kukuru nokutsamwa nokutambudzika,+Mapoka engirozi achiunza dambudziko.+
50 Akagadzirira kutsamwa kwake gwara.+Haana kudzivirira mweya yavo kuti irege kufa;Akagamuchidzawo upenyu hwavo kudenda.+
51 Akazouraya matangwe ose muIjipiti,+Kutanga kwesimba ravo rokubereka mumatende aHamu.+
52 Pashure paizvozvo akaita kuti vanhu vake vabve semakwai,+Akavatungamirira murenje seboka rezvipfuwo.+
53 Akaramba achivatungamirira vakachengeteka, uye havana kutya;+Uye gungwa rakafukidza vavengi vavo.+
54 Akavasvitsa kunharaunda yake tsvene,+Iyi nzvimbo ine makomo yakawanikwa noruoko rwake rworudyi.+
55 Akadzinga marudzi nokuda kwavo zvishoma nezvishoma,+Akavagovera nhaka+ achishandisa tambo yokuyeresa,Zvokuti akaita kuti madzinza aIsraeri agare mumisha yawo.+
56 Zvino vakatanga kuedza uye kupandukira Mwari Wokumusorosoro,+Havana kuchengeta zviyeuchidzo zvake.+
57 Vakarambawo vachidzoka shure, vachinyengera semadzibaba avo;+Vakatendeuka, vakaita souta hwakadhamba.+
58 Vakaramba vachimugumbura nenzvimbo dzavo dzakakwirira,+Uye vakaramba vachiita kuti anzwe godo nemifananidzo yavo yakavezwa.+
59 Mwari akazvinzwa,+ akashatirwa kwazvo,+Naizvozvo akasema Israeri kwazvo.+
60 Akazosiya tebhenekeri yokuShiro,+Tende raaigara ari pakati pevanhu vepanyika.+
61 Akaita kuti simba rake ritapwe+Uye runako rwake akaruisa muruoko rwemhandu.+
62 Akaramba achigamuchidza vanhu vake kubakatwa,+Akashatirirwa nhaka yake kwazvo.+
63 Majaya ake akapiswa nomoto,Mhandara dzake hadzina kurumbidzwa.+
64 Vapristi vake vakaurayiwa nebakatwa,+Chirikadzi dzavo hadzina kusvimha misodzi.+
65 Jehovha akabva amuka somunhu akanga akarara,+Somunhu ane simba ari kupengenuka pawaini.+
66 Akauraya mhandu dzake achibva neshure;+Akaita kuti vazvidzwe nokusingagumi.+
67 Akaramba tende raJosefa;+Uye haana kusarudza dzinza raEfremu.+
68 Asi akasarudza dzinza raJudha,+Iro Gomo reZiyoni, raaida.+
69 Akatanga kuvaka nzvimbo yake tsvene sezvinoitwa nzvimbo dzakakwirira,+Senyika yaakasimbisa nokusingagumi.+
70 Naizvozvo akasarudza Dhavhidhi mushumiri wake,+Akamutora kumatanga emakwai.+
71 Achibva kwaaifudza nhunzvi dzinoyamwisa+Iye akamuunza kuti ave mufudzi waJakobho, ivo vanhu vake+NowaIsraeri, iyo nhaka yake.+
72 Akavafudza maererano nokururama kwomwoyo wake,+Uye akavatungamirira nounyanzvi hwemaoko ake.+

