Pisarema 74:1-23
Maskiri. Rwiyo rwaAsafi.+
74 Haiwa Mwari, makatirasirei nokusingaperi?+Hasha dzenyu dzinorambirei dzichipfungairira makwai emafuro enyu?+
2 Yeukai ungano yenyu yamakawana kare kare,+Dzinza ramakadzikinura kuti rive nhaka yenyu,+Iri Gomo reZiyoni ramakagara mariri.+
3 Simudzirai tsoka dzenyu kune zvakaparadzwa zvichange zviripo kwenguva refu.+Muvengi akabata zvinhu zvose zviri munzvimbo tsvene nenzira yakaipa.+
4 Vaya vanokuvengai vakadzvova vari pakati penzvimbo yenyu yokuunganira.+Vakaisa mireza yavo kuti zvive zviratidzo.+
5 Mumwe munhu ane mukurumbira wakaipa pakuti akafanana nouya anosimudzira denhere remiti matemo.
6 Zvino zvakanyorwa zvayo, zvose zvazvo, vanozvibvisa nebheura uye nematanda ane miromo yesimbi.+
7 Vakakanda nzvimbo yenyu tsvene mumoto.+Vakasvibisa tebhenekeri yezita renyu nokuikanda pasi chaipo.+
8 Ivo nevana vavo, vakataura pamwe chete mumwoyo mavo vachiti:“Nzvimbo dzose dzokuunganira dzaMwari dzinofanira kupiswa munyika yacho.”+
9 Hatina kuona zviratidzo zvedu; hapasisina muprofita,+Uye hapana watiinaye anoziva kuti kusvikira rini.
10 Haiwa Mwari, mhandu icharamba ichizvidza kusvikira rini?+Muvengi acharamba asingaremekedzi zita renyu nokusingaperi here?+
11 Munorambirei makadzosa ruoko rwenyu, irwo ruoko rwenyu rworudyi,+Rwamakabvisa pachipfuva chenyu kuti tipedzwe?
12 Asi Mwari ndiye Mambo wangu kubvira kare kare,+Ndiye anoita kuponesa kukuru pakati penyika.+
13 Imi makanyandura gungwa nesimba renyu;+Makaputsa misoro yemazimhuka omugungwa ari mumvura.+
14 Imi makapwanya misoro yeRevhiatani.+Makaipa vanhu kuti ive zvokudya, ivo vaya vaigara munzvimbo dzisina mvura.+
15 Ndimi makatsemura chitubu norukova;+Imi makaomesa nzizi dzinogara dzichiyerera.+
16 Masikati ndeenyu; nousikuwo ndohwenyu.+Imi ndimi makagadzira chinovheneka, iro zuva.+
17 Ndimi makaisa miganhu yose yenyika;+Zhizha nechando—ndimi makazviita.+
18 Yeukai izvi: Muvengi akuzvidzai, haiwa Jehovha,+Rudzi rwemapenzi haruna kuremekedza zita renyu.+
19 Musapa mhuka yomusango mweya wegukutiwa renyu.+Musakanganwa upenyu hwevanotambudzika venyu nokusingaperi.+
20 Tarirai sungano,+Nokuti nzvimbo dzine rima dzenyika dzazara nenzvimbo dzokugara dzine chisimba.+
21 Haiwa, iye akadzvinyirirwa ngaarege kudzoka anyadziswa.+Munhu anotambudzika nomurombo ngavarumbidze zita renyu.+
22 Simukai, haiwa Mwari, mureverere mhosva yenyu.+Yeukai kuzvidzwa kwamunoitwa nebenzi zuva rose.+
23 Musakanganwa inzwi revaya vanokuvengai.+Ruzha rwevaya vari kukumukirai ruri kukwira nguva dzose.+

