Pisarema 53:1-6

Kumutungamiriri weMaharati.+ Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 53  Benzi rakati mumwoyo maro:“Jehovha haako.”+ Vakaita zvakashata uye vakaita zvinosemesa muzvinhu zvisina kururama;+Hapana anoita zvakanaka.+  2  Asi Mwari akatarira pasi, pavanakomana vevanhu ari kudenga,+Kuti aone kana paine munhu ane njere, munhu anotsvaka Jehovha.+  3  Vose zvavo vakadzoka shure, vose vane uori zvakafanana;+Hapana anoita zvakanaka,+Kana mumwe chete zvake.  4  Pavanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza hapana vane zivo here,+Zvavanodya vanhu vangu sokudya kwavanoita chingwa?+Havana kana kumbodana Jehovha.+  5  Vakatya kwazvo vari ikoko,+Kwakanga kusina chinotyisa;+Nokuti Mwari achaparadzira mapfupa omunhu anodzika misasa kuti akurwise.+Muchavanyadzisa, nokuti Jehovha avaramba.+  6  Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rukuru rwaIsraeri!+Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+

Mashoko Emuzasi