Pisarema 31:1-24
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
31 Ndakapotera kwamuri,+ haiwa Jehovha.Haiwa dai ndikasambonyadziswa.+Ndipukunyutsei mukururama kwenyu.+
2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri.+Kurumidzai kundinunura.+Ivai nhare yematombo nokuda kwangu,+Imba yenhare kuti mundiponese.+
3 Nokuti muri ibwe rangu nenhare yangu;+Muchanditungamirira+ nokundifambisa nokuda kwezita renyu.+
4 Muchandibudisa mumambure avakandiisira pakavanda,+Nokuti muri nhare yangu.+
5 Ndinoisa simba rangu roupenyu muruoko rwenyu.+Makandidzikinura,+ haiwa Jehovha Mwari wechokwadi.+
6 Ndinovenga vaya vanoremekedza zvidhori zvisingabatsiri, zvisina maturo;+Asi ini ndinovimba naJehovha.+
7 Ndichafara nokufarira kwazvo mutsa wenyu worudo,+Pakuti makaona kutambudzika kwangu;+Makaziva nezvokutambudzika kwomweya wangu,+
8 Hamuna kundiisa muruoko rwomuvengi.+Makaita kuti tsoka dzangu dzimire munzvimbo yakakura.+
9 Haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha, nokuti ndiri kutambudzika kwazvo.+Ziso rangu,+ mweya wangu nedumbu rangu zvaneta nenhamo.+
10 Nokuti upenyu hwangu hwaguma neshungu,+Uye makore angu nokugomera.+Simba rangu rapedzwa nokukanganisa kwangu,+Uye mapfupa angu aneta.+
11 Ndava chinhu chinozvidzwa+ kune vaya vose vanondivenga,+Kunyanya kuvavakidzani vangu,+Uye chinhu chinotyisa kune vandinozivana navo.+Pavakandiona ndiri panze, vakanditiza.+
12 Ndakanganwika somunhu akafa, asingachafungwi nezvake;+Ndaita somudziyo wakaputsika;+
13 Nokuti ndakanzwa mashoko akaipa nevakawanda,+Zvinotyisa zviri kumativi ose.+Pavanondiunganira vose pamwe chete,+Vanoronga kuti vaparadze mweya wangu.+
14 Asi ini—ndakavimba nemi, haiwa Jehovha.+Ndakati: “Muri Mwari wangu.”+
15 Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu.+Ndinunurei paruoko rwevavengi vangu uye pane vaya vari kunditevera.+
16 Penyesai chiso chenyu pamushumiri wenyu.+Ndiponesei nomutsa wenyu worudo.+
17 Haiwa Jehovha, dai ndikasanyadziswa, nokuti ndakashevedzera kwamuri.+Vakaipa ngavanyadziswe;+Ngavarambe vakanyarara vari muSheori.+
18 Miromo yenhema ngaishayiwe chokutaura,+Iri kutaura zvakaipa nezvomunhu akarurama,+ isingadzorwi mukuzvikudza nokuzvidza.+
19 Kunaka kwenyu kwakakura sei,+ kwamakachengetera vaya vanokutyai!+Kwamakaitira vaya vanopotera kwamuri,Pamberi pevanakomana vevanhu.+
20 Muchavavanza munzvimbo yenyu yakavanda+Pakuungana kwevarume.+Muchavaviga mudumba renyu kuti vabve pandimi dzinopopota.+
21 Jehovha ngaarumbidzwe,+Nokuti akandiitira mutsa worudo unoshamisa+ muguta rinomanikidzwa.+
22 Pandakavhunduka, ini ndakati:+“Ndichaparadzwa pamberi penyu.”+Chokwadi makanzwa inzwi rokuteterera kwangu pandakachemera kubatsirwa kwamuri.+
23 Haiwa idai Jehovha, imi mose vakavimbika vake.+Jehovha anochengetedza vakatendeka,+Asi anotsiva kwazvo munhu wose anoratidza kuzvikudza.+
24 Shingai, mwoyo yenyu ngaisimbe,+Imi mose muri kumirira Jehovha.+

