Pisarema 21:1-13

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 21  Haiwa Jehovha, mambo anofara nesimba renyu;+Anoda kufara kwazvo sei muruponeso rwenyu!+  2  Makamupa zvinodiwa nomwoyo wake,+Hamuna kumunyima zvinodiwa nemiromo yake.+ Sera.  3  Nokuti makamuchingura nezvikomborero zvezvinhu zvakanaka,+Nokuisa korona yendarama yakanatswa pamusoro wake.+  4  Akakukumbirai upenyu. Makamupa upenyu hwacho,+Mazuva mazhinji nokusingagumi kunyange nokusingaperi.+  5  Kuremekedzwa kwake kukuru muruponeso rwenyu.+Munoisa kukudzwa nokubwinya paari.+  6  Nokuti munoita kuti akomborerwe kwazvo nokusingaperi;+Munoita kuti anzwe achifara nokufarira chiso chenyu.+  7  Nokuti mambo ari kuvimba naJehovha,+Uye nomutsa worudo woWokumusorosoro. Iye haazozununguswi.+  8  Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vose;+Ruoko rwenyu rworudyi ruchawana vaya vanokuvengai.  9  Muchaita kuti vave sevira romoto panguva yakatarwa yamuchafunga nezvavo.+Jehovha achavamedza akatsamwa, uye moto uchavaparadza.+ 10  Muchaparadza zvibereko zvavo panyika,+Nevana vavo pavanakomana vevanhu.+ 11  Nokuti vakakuunzirai zvakaipa;+Vakafunga pfungwa dzavasingakwanisi kuita.+ 12  Nokuti muchaita kuti vafuratire vachitiza+Netambo dzenyu dzamunogadzirira zviso zvavo.+ 13  Haiwa kudzwai musimba renyu, haiwa Jehovha.+Tichaimba uye tichaimba rwiyo nokuda kwokuva nesimba kwenyu.+

Mashoko Emuzasi