Pisarema 15:1-5

Rwiyo rwaDhavhidhi. 15  Haiwa Jehovha, ndiani angava mueni mutende renyu?+Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?+  2  Ndiye anofamba asina mhosva+ uye anoita zvakarurama+Uye anotaura chokwadi mumwoyo make.+  3  Iye anenge asina kuchera vamwe norurimi rwake.+Anenge asina chakaipa chaakaitira shamwari yake,+Anenge asina kuzvidza waanonyatsozivana naye.+  4  Iye anoramba munhu wose anozvidzwa,+Asi anokudza vaya vanotya Jehovha.+Anoti kana apika, kunyange zvikazomuipira, haachinji.+  5  Anenge asina kupa mari yake achizoreva mubereko,+Anenge asina kutora pfumbamuromo yokupomera munhu asina mhosva.+Munhu anoita zvinhu izvi haazombozununguswi.+

Mashoko Emuzasi