Pisarema 125:1-5

Rwiyo Rwokukwira. 125  Vaya vanovimba naJehovha+Vakaita seGomo reZiyoni,+ risingagoni kuzununguswa, asi rinogara nokusingagumi.+  2  Jerusarema—zvarakapoteredzwa nemakomo,+Saizvozvowo Jehovha akapoteredza vanhu vake+Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+  3  Nokuti tsvimbo youmambo yezvakaipa haizorambi ichizorora+ pamugove wevakarurama,Kuti vakarurama varege kutambanudza maoko avo kuti vaite chero zvakaipa zvipi zvazvo.+  4  Haiwa itai zvakanaka, haiwa Jehovha, kune vaya vakanaka,+Kunyange kune vaya vane mwoyo yakarurama.+  5  Asi vaya vanotsaukira kunzira dzavo dzisina kururama,+Jehovha achavabvisa pamwe chete nevanoita zvinhu zvinokuvadza.+Israeri achava norugare.+

Mashoko Emuzasi