Pisarema 116:1-19
116 Ndinoda, nokuti Jehovha anonzwa+Inzwi rangu, kuteterera kwangu.+
2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,+Ndichamudana mazuva angu ose.+
3 Tambo dzorufu dzakandikomba+Uye mamiriro ezvinhu anotambudza eSheori akandiwana.+Ndakaramba ndichiwana kutambudzika neshungu.+
4 Asi ndakadana zita raJehovha ndichiti:+“Aa, Jehovha, pukunyutsai mweya wangu!”+
5 Jehovha ane nyasha uye akarurama;+Mwari wedu ndiye anonzwira ngoni.+
6 Jehovha anorinda vasina zivo.+Ndakanga ndiri murombo, iye akandiponesa.+
7 Dzokera kunzvimbo yako yokuzororera, haiwa iwe mweya wangu,+Nokuti Jehovha akakuitira zvakakodzera.+
8 Nokuti makanunura mweya wangu parufu,+Ziso rangu pamisodzi, tsoka yangu pakugumburwa.+
9 Ndichafamba+ pamberi paJehovha munyika dzevapenyu.+
10 Ndakanga ndiine kutenda,+ nokuti ndakataura.+Ini ndaitambudzika kwazvo.
11 Pandakavhunduka, ini ndakati:+“Munhu wose murevi wenhema.”+
12 Ndicharipa Jehovha nechii+Nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?+
13 Ndichatora kapu yokuponesa+ kukuru,Uye ndichadana zita raJehovha.+
14 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha,+Chokwadi ndichazviita pamberi pevanhu vake vose.
15 Chinhu chinokosha kuna JehovhaNdirwo rufu rwevakavimbika vake.+
16 Zvino, haiwa Jehovha,+Nokuti ndiri mushumiri wenyu.+Ndiri mushumiri wenyu, mwanakomana womurandasikana wenyu.+Makasunungura zvisungo zvangu.+
17 Ndichakupai chibayiro chokuonga,+Uye ndichadana zita raJehovha.+
18 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha,+Chokwadi ndichazviita pamberi pevanhu vake vose,+
19 Muzvivanze zveimba yaJehovha,+Pakati pako, haiwa iwe Jerusarema.+Rumbidzai Jah!+

