Pisarema 115:1-18

115  Isu hatina chatiinacho, haiwa Jehovha, isu hatina chatiinacho,+Asi imi kudzai zita renyu+Maererano nomutsa wenyu worudo, maererano nechokwadi chenyu.+  2  Marudzi angataurirei kuti:+“Zvino Mwari wavo ari kupi?”+  3  Asi Mwari wedu ari kumatenga;+Akaita zvinhu zvose zvaanofarira kuita.+  4  Zvidhori zvavo isirivha nendarama,+Iro basa remaoko omunhu wepanyika.+  5  Zvine muromo, asi hazvigoni kutaura;+Zvine maziso, asi hazvigoni kuona;+  6  Zvine nzeve, asi hazvigoni kunzwa.+Zvine mhino, asi hazvigoni kunhuhwidza.+  7  Zvine maoko, asi hazvigoni kubata.+Zvine tsoka, asi hazvigoni kufamba;+Hazvitauri nepahuro pazvo.+  8  Vaya vanozvigadzira vachanyatsofanana nazvo,+Vose vaya vanovimba nazvo.+  9  Haiwa imi vaIsraeri, vimbai naJehovha;+Ndiye mubatsiri wenyu nenhoo yenyu.+ 10  Haiwa imi imba yaAroni, vimbai naJehovha;+Ndiye mubatsiri wenyu nenhoo yenyu.+ 11  Imi munotya Jehovha, vimbai naJehovha;+Ndiye mubatsiri wenyu nenhoo yenyu.+ 12  Jehovha akatiyeuka; achatikomborera,+Achakomborera imba yaIsraeri,+Achakomborera imba yaAroni.+ 13  Achakomborera vaya vanotya Jehovha,+Vaduku pamwe chete nevakuru.+ 14  Jehovha achaita kuti muwedzere,+Imi nevanakomana venyu.+ 15  Ndimi makakomborerwa naJehovha,+Muiti wedenga nenyika.+ 16  Kana ari matenga, matenga ndeaJehovha,+Asi nyika akaipa vanakomana vevanhu.+ 17  Vakafa havarumbidzi Jah,+Kunyange vaya vanoburukira kurunyararo.+ 18  Asi isu ticharumbidza Jah+Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+Rumbidzai Jah!+

Mashoko Emuzasi