Pisarema 108:1-13

Rumbo. Rwiyo rwaDhavhidhi. 108  Mwoyo wangu wakasimba, haiwa Mwari.+Ndichaimba uye ndichaimba rwiyo,+Kukudzwa kwangu kuchaimbawo.+  2  Muka, haiwa iwe chiridzwa chine tambo; newewo, haiwa rudimbwa.+Ndichamutsa mambakwedza.+  3  Ndichakurumbidzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha;+Ndichakuimbirai ndiri pakati pemapoka emarudzi.+  4  Nokuti mutsa wenyu worudo mukuru kusvikira kumatenga,+Nechokwadi chenyu kusvikira kumatenga.+  5  Haiwa kwidziridzwai pamusoro pematenga, haiwa Mwari;+Kukudzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.+  6  Kuti vamunoda vanunurwe,+Haiwa, ponesai noruoko rwenyu rworudyi mundipindure.+  7  Mwari akataura muutsvene hwake+ achiti:“Ndichapembera nomufaro, ndichaganhura+ Shekemu kuti ive nhaka;+Ndichayera bani reSukoti.+  8  Giriyedhi+ ndeyangu; Manase+ ndeyangu;Efremu inhare yomukuru wangu;+Judha mudonzvo wangu womutungamiriri.+  9  Moabhi+ ihari yangu yokugezera.+Ndichakanda hwashu yangu pamusoro peEdhomu.+Ndichashevedzera mukukunda pamusoro peFiristiya.”+ 10  Ndiani achandiendesa kuguta rakavakirirwa?+Ndiani achanditungamirira kusvikira kuEdhomu?+ 11  Haiwa Mwari, hamusi imi here makatirasa+Uye musingaendi nemauto edu saMwari wedu?+ 12  Tibatsirei mukutambudzika,+Sezvo kuponeswa nomunhu wepanyika kusingabatsiri.+ 13  Tichapiwa simba naMwari,+Uye iye achatsika-tsika mhandu dzedu.+

Mashoko Emuzasi