Pisarema 107:1-43
(Mapisarema 107 – 150)
107 Haiwa, ongai Jehovha, nokuti akanaka;+Nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.+
2 Vakanunurwa naJehovha ngavataure saizvozvo,+Vaakanunura muruoko rwemhandu,+
3 Vaakaunganidza kubva munyika zhinji,+Kubva kunobuda zuva uye kubva kumavirazuva,+Kubva kuchamhembe uye kubva kumaodzanyemba.+
4 Vakadzungaira vari murenje,+ vari mugwenga;+Havana kuwana nzira inoenda kuguta ravaigona kugara.+
5 Vaiva nenzara, uyewo vaiva nenyota;+Mweya yavo yaiva mukati mavo yakatanga kupera simba.+
6 Vakaramba vachichema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo;+Iye akavanunura munhamo dzavo,+
7 Akaita kuti vafambe munzira yakarurama,+Kuti vasvike kuguta ravaigona kugara.+
8 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
9 Nokuti akagutsa mweya une nyota;+Akazadza mweya une nzara nezvinhu zvakanaka.+
10 Paiva nevaya vaigara murima nomuzarima,+Vasungwa vaitambudzika uye vakanga vakasungwa nesimbi.+
11 Nokuti vakanga vapandukira+ mashoko aMwari;+Vakanga vasina kuremekedza zano reWokumusorosoro.+
12 Naizvozvo akakunda mwoyo yavo nokunetseka;+Vakagumburwa, asi hapana akanga achivabatsira.+
13 Vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;+Iye akavaponesa panhamo dzavo sezvaaigara achiita.+
14 Akavabudisa murima nomuzarima,+Akatodambura zvisungo zvavo.+
15 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
16 Nokuti akatyora masuo emhangura,+Uye akatemawo mizariro yesimbi.+
17 Vaya vaiva mapenzi, nokuda kwenzira yavo yokudarika+Uye nokuda kwokukanganisa kwavo, vakazozvitambudza.+
18 Mweya yavo yakatosema zvokudya zvemarudzi ose,+Vakanga vava kusvika pamagedhi orufu.+
19 Vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe pakutambudzika kwavo;+Iye akavaponesa munhamo dzavo sezvaaigara achiita.+
20 Akatuma shoko rake, akavaporesa,+Akavapukunyutsa mumakomba avo.+
21 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
22 Ngavape zvibayiro zvokuonga,+Vazivise mabasa ake vachishevedzera nomufaro.+
23 Vaya vanoburukira kugungwa vari mungarava,+Vachiita bhizimisi pamusoro pemvura zhinji,+
24 Ndivo vakaona mabasa aJehovha+Nemabasa ake anoshamisa munzvimbo dzakadzika;+
25 Matauriro aanoita shoko racho omutsa dutu guru,+Zvokuti rinosimudza mafungu aro.+
26 Vanokwira kudenga,Vanoburukira kunzvimbo dziri pasi.Mweya yavo inopera simba nokuda kwedambudziko.+
27 Vanodzedzereka nokutatarika somunhu akadhakwa,+Uchenjeri hwavo hwose hunovhiringidzika.+
28 Vanotanga kuchema kuna Jehovha vachitambudzika,+Iye anovabudisa munhamo dzavo.+
29 Anodzikamisa dutu remhepo,+Zvokuti mafungu egungwa anonyarara.+
30 Vanofara nokuti aya adzikama,Uye iye anovatungamirira kunzvimbo yakachengeteka yavanofarira.+
31 Haiwa, vanhu ngavaonge Jehovha nokuda kwomutsa wake worudo+Uye nokuda kwemabasa ake anoshamisa aakaitira vanakomana vevanhu.+
32 Ngavamurumbidze vari muungano yevanhu;+Ngavamurumbidze vari panzvimbo inogara varume vakwegura.+
33 Anochinja nzizi kuti dzive renje,+Nenzvimbo dzine mvura inofashukira kuti dzive nyika yakaoma,+
34 Nyika inobereka kuva nyika ine munyu,+Nokuda kwokuipa kwevaya vanogara mairi.
35 Anochinja renje kuti rive dziva remvura rine tsanga zhinji,+Nenyika yenzvimbo isina mvura kuti ive nzvimbo ine mvura inofashukira.+
36 Anoita kuti vane nzara vagare ikoko,+Zvokuti vanosimbisa guta ravanogona kugara.+
37 Vanodyara minda nokusima minda yemizambiringa,+Kuti ibereke zvirimwa zvizhinji.+
38 Anovakomborera zvokuti zvinova zvizhinji kwazvo;+Haaiti kuti zvipfuwo zvavo zvive zvishoma.+
39 Zvakare zvinova zvishoma zvoti hwatata pasi+Nokuda kwokumanikidzwa, dambudziko neshungu.+
40 Ari kudurura kuzvidzwa pamusoro pevanokudzwa,+Zvokuti anovadzungairisa munzvimbo isina chinhu, musina nzira.+
41 Asi anodzivirira murombo pakutambudzika+Uye anomuchinja kuti ave mhuri seboka rezvipfuwo.+
42 Vakarurama vanozviona vofara;+Asi kusarurama kwose kuchavhara muromo wakwo.+
43 Ndiani akachenjera? Iye achaona zvinhu izvi,+Ofungisisa mabasa aJehovha omutsa worudo.+

