Mabasa 9:1-43
9 Asi Sauro, achiine shungu dzokutyisidzira nokuponda+ vadzidzi+ vaShe, akaenda kumupristi mukuru,
2 akamukumbira tsamba dzokuenda nadzo kumasinagogi aiva muDhamasiko, kuti auye kuJerusarema nevarume nevakadzi, chero vapi zvavo vaaizowana vaiva veNzira Iyi,+ vakasungwa.
3 Zvino zvaaifamba, akasvika pedyo neDhamasiko, chiedza chakabva kudenga pachakangoerekana chamupenyera kumativi ose,+
4 akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?”+
5 Iye akati: “Ndimi ani, Ishe?” Akati: “Ndini Jesu, wauri kutambudza.+
6 Zvisinei, simuka+ upinde muguta, uye uchaudzwa zvaunofanira kuita.”
7 Zvino varume vakanga vachifamba naye+ vakanga vakamira vashaya kana chokutaura,+ chokwadi, vachinzwa inzwi,+ asi vasingaoni kana munhu.
8 Asi Sauro akasimuka, uye kunyange zvazvo maziso ake akanga akasvinura hapana chaaiona.+ Naizvozvo vakamubata ruoko, vakapinda naye muDhamasiko.
9 Kwemazuva matatu hapana kana chaakaona,+ uye haana kudya kana kunwa.
10 MuDhamasiko maiva nomumwe mudzidzi ainzi Ananiyasi,+ uye Ishe akati kwaari pane zvaakaratidzwa: “Ananiyasi!” Iye akati: “Ndiri pano, Ishe.”
11 Ishe akati kwaari: “Simuka, enda kumugwagwa unonzi Wakarurama, uye tsvaka murume anonzi Sauro anobva kuTaso,+ pamba paJudhasi. Nokuti, tarira! iye ari kunyengetera,
12 uye pane zvaaratidzwa aona munhu anonzi Ananiyasi achipinda, akaisa maoko ake paari kuti aonezve.”+
13 Asi Ananiyasi akapindura kuti: “Ishe, ndakanzwa nevazhinji pamusoro pomurume uyu, kuti zvinhu zvizhinji sei zvinokuvadza zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema.
14 Nomuno ane simba rakabva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodana zita renyu.”+
15 Asi Ishe akati kwaari: “Chienda hako, nokuti kwandiri murume uyu mudziyo wakasarudzwa+ kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi+ nokumadzimambo+ nevanakomana vaIsraeri.
16 Nokuti ndichamuratidza pachena kuti zvinhu zvizhinji sei zvaanofanira kutambura nokuda kwezita rangu.”+
17 Naizvozvo Ananiyasi akaenda, akapinda mumba macho, uye akaisa maoko ake paari, akati: “Sauro, hama, Ishe, iye Jesu akazviratidza kwauri mumugwagwa wawakanga uchiuya nawo, andituma, kuti uonezve uye uzadzwe nomudzimu mutsvene.”+
18 Mumaziso ake makabva madonha zvinenge mafunurwa, uye iye akaonazve; akasimuka akabhabhatidzwa,
19 uye akadya zvokudya akawana simba.+
Akagara muDhamasiko+ kwemazuva akati, aine vadzidzi,
20 uye akabva atanga kuparidza Jesu+ mumasinagogi, kuti Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.
21 Asi vose vaimunzwa vaikatyamadzwa uye vaiti: “Uyu haasi iye murume akaparadza+ vaya vaiva muJerusarema vanodana zita iri here, uye kuti akanga auyira izvozvi muno, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”+
22 Asi Sauro akaramba achiwana simba kwazvo uye akanga achishamisa kwazvo vaJudha vaigara muDhamasiko sezvaairatidza nenzira inonzwisisika kuti Jesu ndiye Kristu.+
23 Zvino mazuva akati wandei paakanga ava kuda kupera, vaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye.+
24 Zvisinei, kurangana kwavo pamusoro pake kwakazivikanwa naSauro. Asi ivo vakanga vachinyatsorindawo magedhi masikati nousiku kuti vamuuraye.+
25 Naizvozvo vadzidzi vake vakamutora, vakamuburutsa usiku nepakanga pakazaruka parusvingo, vachimudzikisa ari mudengu.+
26 Paakasvika muJerusarema+ akaedza kubatana nevadzidzi; asi vose vaimutya, nokuti havana kutenda kuti akanga ari mudzidzi.
27 Naizvozvo Bhanabhasi akamuyamura,+ akaenda naye kuvaapostora, akavaudza zvose kuti akanga aona sei Ishe+ ari mumugwagwa, kuti akanga ataura naye,+ uye kuti muDhamasiko+ akanga ataura sei noushingi nezita raJesu.
28 Akaramba ainavo, achipinda nokubuda muJerusarema, achitaura noushingi nezita raShe;+
29 uye aitaura nokuitirana nharo nevaJudha vaitaura chiGiriki. Asi ava vakaedza kumuuraya.+
30 Hama padzakacherechedza izvi, dzakaburukira naye kuKesariya dzikamutumira kuTaso.+
31 Chokwadi, ungano+ yacho muJudhiya mose nomuGarireya nomuSamariya yakabva yapinda munguva yorugare, ichivakwa; uye yakaramba ichiwedzera zvayaifamba ichitya Jehovha+ uye ichinyaradzwa nomudzimu mutsvene.+
32 Zvino Petro zvaakanga achifamba nomumativi ose akasvikawo kuvatsvene vaigara muRidha.+
33 Imomo akawana mumwe murume ainzi Eniyasi, akanga apedza makore masere akarara pakamubhedha kake, zvaakanga akaoma rutivi rwomuviri.
34 Petro akati kwaari:+ “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa.+ Simuka upete mubhedha wako.” Iye akabva asimuka.
35 Vose vaigara muRidha nebani reSharoni+ vakamuona, uye ivava vakatendeukira kunaShe.+
36 Asi muJopa+ maiva nomumwe mudzidzi ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, kana zvashandurwa. Aiita mabasa mazhinji akanaka+ okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni.
37 Asi mumazuva iwayo akarwara, akafa. Naizvozvo vakamushambidza, vakamuradzika muimba yepamusoro.
38 Zvino Ridha zvarakanga riri pedyo neJopa,+ vadzidzi pavakanzwa kuti Petro akanga ari muguta iri vakatuma varume vaviri kwaari kuti vamuteterere vachiti: “Tapota usazengurira kusvika kuno kwatiri.”
39 Petro akasimuka, akaenda navo. Paakasvika, vakapinda naye muimba yepamusoro; uye chirikadzi dzose dzakauya kwaari dzichisvimha misodzi dzichimuratidza nguo dzomukati nedzokunze+ zhinji dzaiitwa naDhokasi paakanga ainavo.+
40 Asi Petro akabudisa vanhu vose panze+ uye, achipfugama, akanyengetera, uye, achitendeukira kumutumbi wacho, akati: “Tabhita, muka!” Iye akasvinura uye paakaona Petro, iye akamuka akagara.+
41 Achimutambanudzira ruoko rwake, akamusimudza,+ akashevedza vatsvene nechirikadzi, akamuisa kwavari ari mupenyu.+
42 Izvi zvakazivikanwa muJopa mose, uye vazhinji vakatenda munaShe.+
43 Akaramba ari muJopa kwemazuva mazhinji+ nomumwe munhu ainzi Simoni, musukuti wematehwe.+

