Mabasa 15:1-41
15 Zvino vamwe varume vakaburuka vachibva kuJudhiya,+ vakatanga kudzidzisa hama vachiti: “Kana mukasadzingiswa+ maererano netsika yaMosesi,+ hamungaponeswi.”
2 Asi Pauro naBhanabhasi pavakakakavadzana nokuitirana nharo navo kwazvo, vakarangana kuti Pauro naBhanabhasi nevamwe vavo vaende kuvaapostora nevarume vakuru+ vaiva muJerusarema pamusoro penharo idzi.
3 Naizvozvo, pashure pokunge vaperekedzwa zvishoma neungano,+ varume ava vakapfuurira norwendo rwavo vakapfuura nomuFenikiya nomuSamariya, vachirondedzera zvose zvokutendeuka kwevanhu vemamwe marudzi,+ uye vakanga vachiita kuti hama dzose dzifare kwazvo.+
4 Pavakasvika muJerusarema vakagamuchirwa nomutsa+ neungano nevaapostora nevarume vakuru, uye vakarondedzera zvinhu zvizhinji zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa.+
5 Asi, vamwe vevaya veboka revaFarisi vakanga vatenda vakasimuka pazvigaro zvavo, vakati: “Zvakakodzera kuvadzingisa+ uye kuvarayira kuti vachengete mutemo waMosesi.”+
6 Vaapostora nevarume vakuru vakaungana kuti vaone nezvenyaya iyi.+
7 Zvino nharo+ huru padzakaitika, Petro akasimuka, akati kwavari: “Varume, hama, munonyatsoziva kuti kubva pamazuva ekare Mwari akandisarudza pakati penyu kuti nomuromo wangu vanhu vemamwe marudzi vanzwe shoko remashoko akanaka uye vatende;+
8 uye Mwari, uyo anoziva mwoyo,+ akapupurira nokuvapa mudzimu mutsvene,+ sezvaakaitawo kwatiri.
9 Haana kumboisa musiyano pakati pedu navo,+ asi akanatsa mwoyo yavo nokutenda.+
10 Naizvozvo, zvino, muri kuedzerei Mwari nokuisa pamitsipa yevadzidzi joko+ iro madzitateguru edu kana isu taisakwanisa kutakura?+
11 Asi, tinovimba kuti tichaponeswa nomutsa usina kukodzera kuwanwa+ waShe Jesu sezvinongoitawo vanhu ivavo.”+
12 Vanhu vazhinji vose vakanyarara, vakatanga kuteerera Bhanabhasi naPauro vachirondedzera zviratidzo zvizhinji nezvishamiso zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa pakati pemamwe marudzi.+
13 Pashure pokunge vanyarara, Jakobho akapindura, achiti: “Varume, hama, ndinzwei.+
14 Simiyone+ akarondedzera kwazvo kuti Mwari kwenguva yokutanga akafunga nezvemamwe marudzi kuti atore maari vanhu vezita rake.+
15 Zvakanyorwa nevaprofita zvinobvumirana naizvozvi, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti,
16 ‘Pashure pezvinhu izvi ndichadzoka, ndivakezve dumba raDhavhidhi rakawa; uye ndichavakazve matongo aro ndirimisezve,+
17 kuti vaya vanosara pane vanhu ava vatsvake Jehovha nomwoyo wose, pamwe chete nevanhu vemamwe marudzi ose, vanhu vanoshevedzwa nezita rangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, iye ari kuita zvinhu izvi,+
18 zvakazivikanwa kubvira kare.’+
19 Nokudaro ndasarudza kuti tisanetsa vemamwe marudzi vari kutendeukira kuna Mwari,+
20 asi kuti tivanyorere kuti varege zvinhu zvakasvibiswa nezvidhori,+ ufeve,+ zvinhu zvakadzipwa+ uye ropa.+
21 Nokuti kubvira munguva yekare Zvakanyorwa naMosesi zvave zviine vanozviparidza muguta neguta, nokuti zvinoverengwa zvinonzwika musinagogi pamasabata ose.”+
22 Vaapostora nevarume vakuru neungano yose vakabva vasarudza kutuma varume vakasarudzwa pakati pavo kuti vaende kuAndiyoki vaina Pauro naBhanabhasi, vanoti, Judhasi ainzi Bhasabhasi+ naSirasi, varume vaitungamirira pakati pehama;
23 uye vakanyora noruoko rwavo kuti:
“Vaapostora nevarume vakuru, hama dzenyu, kuhama dziri kuAndiyoki+ neSiriya neKirikiya+ dzinobva kune mamwe marudzi: Kwaziwai!
24 Zvatakanzwa kuti vamwe vakabva kwatiri vakakunetsai nokutaura kwavo,+ vachiedza kuvhiringidza mweya yenyu, kunyange tisina kuvapa chero mirayiridzo ipi zvayo,+
25 tabvumirana nomwoyo mumwe+ uye tasarudza varume vokukutumirai pamwe chete nevanodiwa vedu, Bhanabhasi naPauro,+
26 varume vakaisa mweya yavo pangozi nokuda kwezita raShe wedu Jesu Kristu.+
27 Naizvozvo tiri kutuma Judhasi naSirasi,+ kuti ivowo vakuudzei zvinhu izvozvo neshoko romuromo.+
28 Nokuti mudzimu mutsvene+ nesu tasarudza kusawedzera mumwe mutoro+ kwamuri, kunze kwezvinhu izvi zvakakodzera,
29 kuti murambe muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori,+ ropa,+ zvinhu zvakadzipwa+ uye ufeve.+ Kana mukanyatsozvidzivirira pazvinhu izvi,+ muchabudirira. Sarai zvakanaka!”
30 Naizvozvo, varume ava pavakaregwa kuti vaende, vakaburukira kuAndiyoki, vakaunganidza vanhu vaya vazhinji, vakavatambidza tsamba yacho.+
31 Pashure pokuiverenga, vakafara nokukurudzira kwacho.+
32 Judhasi naSirasi, ivo zvavaivawo vaprofita,+ vakakurudzira hama nehurukuro zhinji, vakadzisimbisa.+
33 Naizvozvo, pavakapedza nguva yakati, hama dzakavarega vachienda norugare+ kune vaya vakanga vavatuma.
34 ——
35 Zvisinei, Pauro naBhanabhasi vakaramba vari muAndiyoki+ kwenguva yakati vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka eshoko raJehovha,+ nevamwewo vazhinji.
36 Zvino pashure pemazuva akati Pauro akati kuna Bhanabhasi: “Kupfuura zvinhu zvose, ngatidzokere, tishanyire hama muguta rimwe nerimwe matakazivisa shoko raJehovha tione kuti dzakadini.”+
37 Kana ari Bhanabhasi, akanga akatsunga kuti aendewo naJohani, ainzi Mako.+
38 Asi Pauro haana kufunga kuti zvakanga zvakakodzera kuti vaende naiyeyu, zvaakanga avasiya kuPamfiriya+ uye akanga asina kuenda navo kubasa.
39 Vakabva vatsamwirana kwazvo, zvokuti vakabva vaparadzana; Bhanabhasi+ akaenda naMako nechikepe kuKupro.+
40 Pauro akasarudza Sirasi,+ akaenda pashure pokunge agamuchidzwa nehama kumutsa usina kukodzera kuwanwa waJehovha.+
41 Asi akapfuura nokuSiriya nokuKirikiya, achisimbisa ungano.+

