Jona 2:1-10

2  Zvino Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake ari mudumbu rehove,+ 2  akati: “Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika,+ iye akandipindura.+Ndakachemera kubatsirwa ndiri mudumbu reSheori.+Imi makanzwa inzwi rangu.+  3  Pamakandikanda munzvimbo dzakadzika, mumwoyo megungwa guru,+Rwizi rwakabva rwandikomberedza.Masaisai enyu ose nemafungu enyu—zvakapfuura nepamusoro pangu.+  4  Ini ndakati, ‘Ndadzingwa pamberi penyu!+Ndichazotarirazve sei temberi yenyu tsvene?’+  5  Mvura yakandikomberedza kusvikira kumweya wangu chaiko;+ mvura yakadzika yakaramba yakandikomberedza.Masora akamonera musoro wangu.  6  Ndakadzika pasi pemakomo.Mizariro yenyika yakanga iri pamusoro pangu nokusingagumi.Asi makabudisa upenyu hwangu mugomba, haiwa Jehovha Mwari wangu.+  7  Mweya wangu pawakapera simba mukati mangu,+ Jehovha ndiye wandakayeuka.+Munyengetero wangu wakabva wasvika kwamuri, imo mutemberi yenyu tsvene.+  8  Vaya vanoremekedza zvidhori zvenhema, vanosiya mutsa wavo worudo.+  9  Asi ini, ndichabayira chibayiro kwamuri nenzwi rokuonga.+Ndicharipa zvandakapika.+ Ruponeso runobva kuna Jehovha.”+ 10  Kwapera nguva yakati, Jehovha akarayira hove yacho, ikarutsira Jona panyika yakaoma.+

Mashoko Emuzasi