Johani 7:1-53
7 Zvino pashure pezvinhu izvi Jesu akaramba achifamba-famba muGarireya, nokuti akanga asingadi kufamba-famba muJudhiya, nokuti vaJudha vakanga vachitsvaka kumuuraya.+
2 Zvisinei, mutambo wevaJudha, iwo mutambo wematebhenekeri,+ wakanga wava pedyo.
3 Naizvozvo vanun’una vake+ vakati kwaari: “Pfuura pano uende muJudhiya, kuti vadzidzi vako vaonewo mabasa aunoita.
4 Nokuti hapana munhu anoita chinhu pachivande asi iye achitsvaka kuzivikanwa pachena. Kana uchiita zvinhu izvi, zviratidze pachena kunyika.”
5 Chokwadi, vanun’una vake+ vakanga vasingatendi maari.+
6 Naizvozvo Jesu akati kwavari: “Nguva yangu yakakodzera haisati yasvika,+ asi nguva yenyu yakakodzera inogara iripo.
7 Nyika haina chikonzero chokukuvengai, asi inondivenga, nokuti ndinopupura pamusoro payo kuti mabasa ayo akaipa.+
8 Imi kwirai kumutambo; ini handisati ndava kukwira kumutambo uyu, nokuti nguva yangu yakakodzera+ haisati yanyatsosvika.”+
9 Naizvozvo pashure pokunge avaudza zvinhu izvi, akaramba ari muGarireya.
10 Asi vanun’una vake pavakanga vakwira kumutambo, iye akabva akwirawo, kwete pachena asi pachivande.+
11 Naizvozvo vaJudha vakatanga kumutsvaka+ pamutambo vachiti: “Munhu uya ari kupi?”
12 Kwakanga kuine kuzevezera kuzhinji pamusoro pake pakati pemapoka evanhu.+ Vamwe vaiti: “Iye munhu akanaka.” Vamwe vachiti: “Haasi, asi anotsausa boka revanhu.”
13 Chokwadi, hapana aitaura pamusoro pake pachena nokuti vaitya vaJudha.+
14 Zvino mutambo pawakanga wava pakati, Jesu akapinda mutemberi, akatanga kudzidzisa.+
15 Naizvozvo vaJudha vakatanga kushamisika, vachiti: “Munhu uyu anoziva sei mabhii,+ iye asina kudzidza kuzvikoro?”+
16 Jesu, akavapindurawo, akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.+
17 Kana munhu achida kuita zvinodiwa naIye, achaziva pamusoro pokudzidzisa kwacho kana kuchibva kuna Mwari+ kana kuti ini ndichitaura zvangu ndoga.
18 Anotaura zvake oga ari kutsvaka kukudzwa kwake oga; asi anotsvaka kukudzwa+ kweakamutuma, iyeyu ndowechokwadi, uye hapana kusarurama maari.
19 Mosesi haana kukupai Mutemo+ here? Asi hapana kana nomumwe wenyu anoteerera Mutemo wacho. Muri kutsvakirei kundiuraya?”+
20 Boka revanhu rakapindura kuti: “Une dhimoni.+ Ndiani ari kutsvaka kukuuraya?”
21 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Ndakaita basa rimwe chete,+ uye mose muri kushamisika.
22 Saka Mosesi akakupai kudzingiswa+—kwete kuti kunobva kuna Mosesi, asi kuti kunobva kumadzitateguru+—uye imi munodzingisa munhu pasabata.
23 Kana munhu achidzingiswa pasabata kuti mutemo waMosesi urege kuputswa, nei imi muri kunditsamwira kwazvo nokuti ndakaita kuti munhu anyatsova noutano hwakanaka pasabata?+
24 Regai kutonga nezvinooneka kunze, asi tongai nokutonga kwakarurama.”+
25 Naizvozvo vamwe vevagari vomuJerusarema vakatanga kuti: “Uyu haasi iye munhu wavari kutsvaka kuuraya+ here?
26 Asi, onai! ari kutaura pachena,+ uye hapana chavari kutaura kwaari. Chokwadi vatongi havasati vava kuziva here kuti uyu ndiye Kristu?+
27 Isu tinoziva kunobva munhu uyu;+ asi panouya Kristu, hapana anofanira kuziva kwaanobva.”+
28 Naizvozvo Jesu akashevedzera paakanga achidzidzisa mutemberi akati: “Munondiziva ini uye munoziva kwandinobva.+ Uyewo, handina kuzviuyira pachangu,+ asi iye akandituma aripo zvechokwadi,+ uye hamumuzivi.+
29 Ini ndinomuziva,+ nokuti ndiri mumiririri akabva kwaari, uye Iye akandituma.”+
30 Nokudaro vakatanga kutsvaka kumubata,+ asi hapana akaisa ruoko paari, nokuti awa yake+ yakanga isati yasvika.
31 Zvisinei, vazhinji veboka revanhu vakatenda maari;+ uye vakatanga kuti: “Kristu paanosvika, angazoita zviratidzo+ zvinopfuura zvaitwa nomunhu uyu here?”
32 VaFarisi vakanzwa boka revanhu richizevezera zvinhu izvi pamusoro pake, uye vapristi vakuru nevaFarisi vakatuma vakuru vakuru kuti vamubate.+
33 Naizvozvo Jesu akati: “Ndicharamba ndinemi kwenguva duku, ndisati ndaenda kuna iye akandituma.+
34 Muchanditsvaka,+ asi hamuzondiwani, uye hamungazouyi kwandinenge ndiri.”+
35 Naizvozvo vaJudha vakataurirana kuti: “Munhu uyu anoda kuenda kupi, zvokuti hatizomuwani? Kuti anoda kuenda kuvaJudha vakapararira+ pakati pevaGiriki onodzidzisa vaGiriki vacho here?
36 Mashoko aya anorevei aati, ‘Muchanditsvaka, asi hamuzondiwani, uye hamungazouyi kwandinenge ndiri’?”
37 Zvino pazuva rokupedzisira, zuva guru romutambo,+ Jesu akanga amire uye akashevedzera, achiti: “Kana munhu aine nyota,+ ngaauye kwandiri anwe.
38 Uya anotenda mandiri,+ sezvakataurwa noRugwaro, ‘Hova dzemvura mhenyu dzichayerera dzichibva mukatikati make.’”+
39 Zvisinei, akataura izvi pamusoro pomudzimu uyo vaya vakanga vatenda maari vakanga vava kuda kugamuchira; nokuti kusvikira panguva iyoyo pakanga pasati pava nomudzimu,+ nokuti Jesu akanga asati akudzwa.+
40 Naizvozvo vamwe veboka revanhu vakanzwa mashoko aya vakatanga kuti: “Chokwadi uyu ndiye Muprofita.”+
41 Vamwe vakanga vachiti: “Uyu ndiye Kristu.”+ Asi vamwe vakanga vachiti: “Ko Kristu+ anobva kuGarireya here?+
42 Rugwaro haruna kutaura here kuti Kristu anouya achibva kuvana vaDhavhidhi,+ uye kubva kuBhetrehema+ musha waigara Dhavhidhi?”+
43 Naizvozvo kupesana kwakavapo pamusoro pake pakati peboka revanhu.+
44 Vamwe vavo, kunyange zvakadaro, vakanga vachida kumubata, asi hapana akaisa maoko ake paari.
45 Naizvozvo vakuru vakuru vacho vakadzokera kuvapristi vakuru nevaFarisi, uye ivava vakati kwavari: “Nei musina kuuya naye?”
46 Vakuru vakuru vacho vakapindura kuti: “Hapana mumwe munhu akambotaura saizvozvi.”+
47 VaFarisi vakapindurawo kuti: “Hamungadaro matsauswawo here?
48 Pane mumwe wevatongi kana wevaFarisi atenda maari here?+
49 Asi boka revanhu iri risingazivi Mutemo, vanhu vakatukwa.”+
50 Nikodhimo, akanga ambouya kwaari, uye akanga ari mumwe wavo, akati kwavari:
51 “Ko mutemo wedu unotonga munhu kana usina kutanga wamunzwa+ uye wasvika pakuziva chaari kuita here?”
52 Vachipindura, ivo vakati kwaari: “Asi newewo unobvawo kuGarireya? Ongorora uone kuti hapana muprofita+ achamutswa achibva kuGarireya.”
Zvakanyorwa nemaoko zvinoti, Codex Sinaiticus, Codex Vaticanus, uye codex yeSinaitic Syriac zvinosiya ndima 53 kusvika kuganhuro 8, ndima 11, idzo dzinotaura (zvakasiyana-siyana mumagwaro neshanduro dzakasiyana-siyana dzechiGiriki) seizvi:
53 Naizvozvo mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

