Jobho 30:1-31
30 “Zvino vava kundiseka,+Ivo vaduku kwandiri pamazuva,+Vane vanababa vandaizorambaKuti ndivaise pamwe chete nembwa dzeboka rangu.
2 Kunyange simba remaoko avo—raindibatsirei?Simba rakaparara mavari.+
3 Havabereki nokuti vanoshayiwa uye vane nzara,Vanon’un’una nzvimbo isina mvura,+Yakanga iine dutu uye yaiparadzwa nezuro.
4 Vaitanha mashizha anovava mumakwenzi,Uye midzi yomuti womutsvairo zvaiva zvokudya zvavo.
5 Vaizodzingwa pakati pevanhu;+Vanhu vaizoshevedzera kwavari sezvavanoita mbavha.
6 Vanofanira kugara panzvimbo dzakatenuka dzemipata ine hova,Mumakomba epanyika nomumatombo.
7 Vaichema vari pakati pemakwenzi;Vaiungana pasi porukato.
8 Ivo vanakomana vebenzi,+ uyewo vanakomana vomunhu asingazivikanwi,Vakadzingwa panyika vachizvamburwa.
9 Zvino vava kuimba nezvangu,+Uye ndava chinhu chinoshorwa kwavari.+
10 Vanondisema, vanoramba vari kure neni;+Uye havaregi kupfira mate kuchiso changu.+
11 Nokuti iye akasunungura rukungiso rwangu, akandininipisa,Uye ivo vakasiya matomu akasununguka nokuda kwangu.
12 Vanosimuka kuruoko rwangu rworudyi sevana vakaipa;Vanorega tsoka dzangu,Asi vanoramba vachindikandira zvinodzivisa zvavo zvine njodzi.+
13 Vanoparadza migwagwa yangu;Vanongowedzera nhamo yangu,+Vasina kana mubatsiri.
14 Vanouya nepakaputsika pakuru;Vanomhanya nomudutu.
15 Zvinongoerekana zvavhundutsa zvaunzwa kwandiri;Kukudzwa kwangu kwadzingwa sezvinoitwa nemhepo,Uye ruponeso rwangu rwapfuura segore.
16 Zvino mweya wangu wadururwa uchibva mandiri;+Mazuva okutambudzika+ andiwira.
17 Usiku mapfupa angu+ anoboorwa odonha achibva pandiri,Uye marwadzo anondin’un’una haambonyarari.+
18 Nguo yangu inochinja nokuda kwoukuru hwesimba;Inondisunga sekora yenguo yangu refu.
19 Anondiwisira muvhu,Zvokuti ndava seguruva nemadota.
20 Ndinokuchemerai kuti ndibatsirwe, asi imi hamundipinduri;+Ndamira, kuti munditeerere.
21 Munozvichinja kuti mundiitire utsinye;+Munoramba muchindiitira utsinye nesimba rizere roruoko rwenyu.
22 Munondisimudza nemhepo, munoita kuti ndiitasve;Mobva mandinyungudutsa nokutinhira.
23 Nokuti ndinonyatsoziva kuti muchaita kuti ndidzokere kurufu,+Uye kuimba yokusanganira yevanhu vose vapenyu.
24 Asi hapana anotambanudzira ruoko rwake kumurwi wezvakaparadzwa,+Uyewo munhu paanenge achipera haachemeri kubatsirwa pamusoro pezvinhu izvozvo.
25 Ndakasvimha misodzi nokuda kwomunhu akanga achiomerwa nezuva rake;+Mweya wangu wakashungurudzika pamusoro pomurombo.+
26 Kunyange zvazvo ndakamirira zvakanaka, asi zvakaipa ndizvo zvakauya;+Ndakaramba ndakamirira chiedza, asi rima ndiro rakauya.
27 Ura hwangu hwakaitwa kuti huvire uye hahuna kuramba hwakanyarara;Mazuva okutambudzika akanangana neni.
28 Ndakafamba-famba ndakasuruvara+ pakwakanga kusina chiedza chezuva;Ndakasimuka pakati peungano, ndakaramba ndichichemera kubatsirwa.
29 Ndava hama yehunguhwe,Neshamwari yevanasikana vemhou.+
30 Ganda rangu rava dema+ uye radonha richibva pandiri,Mapfupa angu apisa nokuda kwokuoma.
31 Rudimbwa rwangu rwangova rwokuchema,Uye mutopota wangu wangova inzwi revanochema.

