Jeremiya 8:1-22
8 “Panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu vachabudisawo mapfupa emadzimambo eJudha nemapfupa emachinda ayo nemapfupa evapristi nemapfupa evaprofita nemapfupa evagari vomuJerusarema mumakuva avo.+
2 Vachaaparadzira pazuva nepamwedzi nepauto rose rokumatenga zvavakada nezvavakashumira nezvavakatevera+ nezvavakatsvaka uye zvavakakotamira.+ Haazounganidzwi, uyewo haazovigwi. Achava somupfudze panyika.”+
3 “Vakasara vose vevaya vachasara pamhuri iyi yakaipa vari munzvimbo dzose dzevachasara, kwandichange ndavaparadzira+ vachasarudza rufu panzvimbo poupenyu,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto.
4 “Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha: “Vangawa vakasamukazve here?+ Kana mumwe akadzoka, mumwe wacho haangadzokiwo here?+
5 Nei vanhu ava, vomuJerusarema, vagara vasina kutendeka, vachingoramba vasina kutendeka? Ivo vakabatisisa kunyengera;+ vakaramba kudzoka.+
6 Ndakateerera,+ uye ndakaramba ndichinzwa.+ Matauriro avairamba vachiita akanga asina kururama. Hapana kana murume mumwe chete aipfidza zvakaipa zvake,+ achiti, ‘Ndaiteiko?’ Mumwe nomumwe ari kudzokera kunzira yakakurumbira,+ sebhiza riri kumhanyira kurwa.
7 Shuramurove iri kumatenga—inonyatsoziva nguva yayo yakatarwa;+ gukutiwa+ nemhembere negwenhure—zvinonyatsochengeta nguva yokuuya kweimwe neimwe. Asi vanhu vangu, havazivi kutonga kwaJehovha.”’+
8 “‘Mungati sei: “Takachenjera, uye tine mutemo waJehovha”?+ Zvino chokwadi chinyoreso chenhema+ chevanyori chakanyora nhema chaidzo.
9 Vakachenjera vanyara.+ Vatyiswa uye vachabatwa. Tarirai! Vakaramba shoko raJehovha, kuchenjera kwavo kuripi?+
10 Naizvozvo ndichapa madzimai avo kune vamwe varume, minda yavo kune vaya vari kuita kuti ive yavo;+ nokuti, kubvira kumuduku kusvikira kumukuru, mumwe nomumwe ari kuwana pfuma isina kururama;+ kubvira kumuprofita kusvikira kumupristi, mumwe nomumwe ari kunyengera.+
11 Vanoedza kuporesa kuputsika kwomwanasikana wevanhu vangu zvishomanana,+ vachiti: “Kune rugare! Kune rugare!” iko kusina rugare.+
12 Vakanyara here nokuti vakanga vaita zvinotosemesa?+ Kutanga, vaisambonyara; uyewo, vakanga vasingazivi kuti vanonyara sei.+
“‘Naizvozvo vachawa pakati pevaya vari kuwa. Panguva yavachafungwa,+ vachagumburwa,’ Jehovha adaro.+
13 “‘Pakuunganidza, ndichavapedza,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.+ ‘Pamuzambiringa hapazovi nemazambiringa,+ pamuonde hapazovi nemaonde, mashizha achaoma. Zvinhu zvandinovapa zvichapfuura nepavari.’”
14 “Takagarireiko pasi? Unganai, tipinde mumaguta akavakirirwa,+ tinyarare tiri imomo. Nokuti Jehovha Mwari wedu aita kuti tinyarare,+ uye anotipa mvura ine muchetura kuti tinwe,+ nokuti takatadzira Jehovha.
15 Taitarisira rugare, asi hapana chakanaka chakauya;+ taitarisira nguva yokuporeswa, asi, tarirai! takavhundutswa!+
16 Kupfepfedza kwemabhiza ake kwanzwika kuchibva kuDhani.+ Nyika yose yazununguswa nokuhwihwidza kwemabhiza ake makono.+ Anopinda ndokuparadza nyika nezviri mairi, guta nevagari varo.”
17 “Nokuti tarirai ndichatuma nyoka pakati penyu, nyoka dzine uturu,+ dzisingagoni kuitirwa mashiripiti,+ uye dzichakurumai,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18 Shungu dzisingarapiki dzapinda mandiri.+ Mwoyo wangu uri kurwadziwa.
19 Inzwai inzwi rokuchemera kubatsirwa romwanasikana wevanhu vangu riri kubva kunyika iri kure+ richiti: “Jehovha haasi muZiyoni here?+ Kana kuti mambo waro haasi mariri here?”+
“Vakandigumburirei nemifananidzo yavo yakavezwa, navanamwari vavo vokune dzimwe nyika vasina zvavanobatsira?”+
20 “Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera; asi isu hatina kuponeswa!”+
21 Ndakuvadzwa+ nokuda kwokuputsika+ kwomwanasikana wevanhu vangu. Ndasuruvara. Ndakatyamara chose.+
22 MuGiriyedhi hamuna bharisamu here?+ Kana kuti hamuna murapi here?+ Saka, nei mwanasikana wevanhu vangu asina kupora?+

