Isaya 22:1-25
22 Chirevo chomupata wezvakaratidzwa:+ Saka, maita seiko zvamakwira mose pamusoro pematenga edzimba?+
2 Wakanga uzere nenyonganyonga, guta risina kugadzikana, taundi rinopembera nomufaro.+ Vanhu vako vakaurayiwa havazi vaya vakaurayiwa nebakatwa, kana vaya vakafira muhondo.+
3 Vatungamiriri+ vako vose vakatiza panguva imwe chete.+ Vakasungwa pasina uta. Vanhu vako vose vakawanikwa vakasungwa pamwe chete.+ Vakanga vatizira kure.
4 Ndokusaka ndati: “Musaramba makanditarira. Ndicharatidza shungu pakusvimha misodzi.+ Musaramba muchindinyaradza pamusoro pokupambwa kwomwanasikana wevanhu vangu.+
5 Nokuti Changamire Ishe, Jehovha wemauto, ane zuva rokuvhiringidzika+ nerokutsikwa-tsikwa+ nerokukangaidzwa+ mumupata wezvakaratidzwa. Kune anokoromora rusvingo,+ uye kune kushevedzera kugomo.+
6 Eramu+ atora goba, mungoro yehondo yomunhu wepanyika, ine mabhiza ehondo; uye Kiri+ yafukura nhoo.
7 Mapani ako akanaka kwazvo achazara nengoro dzehondo, chokwadi mabhiza ehondo achamira pagedhi,
8 uye mumwe munhu achabvisa chinhu chinovhara chaJudha. Pazuva iroro uchatarira kuzvombo+ zveimba yokusango,+
9 muchaona nzvimbo dzakatsemuka dzeGuta raDhavhidhi, nokuti dzichange dziri zhinji.+ Muchachera mvura yedziva rezasi.+
10 Muchaverenga dzimba dzomuJerusarema. Muchaputsawo dzimba kuti muite kuti rusvingo+ rusakwirike.
11 Muchagadzira dziva rokuchingidzira pakati pemasvingo maviri nokuda kwemvura yedziva rekare.+ Asi hamuzotariri kuMuiti wazvo Mukuru, uye hamuzooni iye akazviita kare kare.
12 “Zvino Changamire+ Ishe, Jehovha wemauto, acharayira pazuva iroro kuti vasvimhe misodzi,+ kuti vacheme, kuti vagerwe muparavara uye kuti vasungire masaga.+
13 Asi, tarirai! vachapembera nomufaro uye vachafara, vachauraya mombe nokuuraya makwai, vachadya nyama nokunwa waini+ vachiti, ‘Ngatidye uye ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.’”+
14 Jehovha wemauto akazvizivisa munzeve dzangu kuti:+ “‘Hamuzoyananisirwi kukanganisa+ uku kusvikira mafa,’+ Changamire Ishe, Jehovha wemauto, adaro.”
15 Zvanzi naChangamire Ishe, Jehovha wemauto: “Enda upinde mune mutariri uyu, muna Shebna,+ ari kutarisira imba+ yacho uti,
16 ‘Uri kudei pano, uye unoda ani pano, zvawazvivezera guva pano?’+ Iye ari kuzvivezera guva pakakwirira; ari kuzvicherera nzvimbo yokugara paibwe.
17 ‘Tarira! Jehovha achakukanda pasi nesimba kwazvo, haiwa iwe murume akagwinya, uye achakubata nesimba.
18 Chokwadi achakupeta-peta zvakasimba, sebhora rokukanda munyika yakafara. Uchafira ikoko, uye ngoro dzokukudzwa kwako dzichava ruzvidzo rweimba yatenzi wako ikoko.
19 Ndichakudzinga panzvimbo yako; uye mumwe munhu achakuputsira pasi uchibva pabasa rako.+
20 “‘Zvino pazuva iroro ndichashevedza mushumiri wangu,+ iye Eriyakimu+ mwanakomana waHirikiya.+
21 Ndichamupfekedza nguo yako refu, ndichamusunga zvakasimba nebhandi rako rejira,+ ndichaisa simba rako rokutonga muruoko rwake; uye iye achava baba vomugari womuJerusarema neveimba yaJudha.+
22 Ndichaisa kiyi+ yeimba yaDhavhidhi papfudzi rake, achavhura pasina ani naani anovhara, uye achavhara pasina ani naani anovhura.+
23 Ndichamurovera sehoko+ munzvimbo inogara nokusingaperi, uye achava sechigaro choumambo chokukudzwa kuimba yababa vake.+
24 Vachaturika kukudzwa kwose kweimba yababa vake paari, vazukuru nenhungirwa, midziyo yose miduku, midziyo yakaita sendiro pamwe chete nemidziyo yose yezvirongo zvikuru.
25 “‘Pazuva iroro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wemauto, ‘hoko+ yakaroverwa panzvimbo inogara nokusingaperi ichabviswa,+ ichatemwa yowira pasi, uye mutoro uri pairi uchagurwa, nokuti Jehovha azvitaura.’”+

