Hosiya 3:1-5

3  Zvino Jehovha akati kwandiri: “Endazve, ude mukadzi anodiwa nomumwe wako+ uye anoita upombwe, sokuda vanakomana vaIsraeri kunoita Jehovha+ kunyange vari kutsaukira kune vamwe vanamwari+ uye vari kuda makeke emazambiringa akaomeswa.”+ 2  Zvino ndakamutenga nemasirivha gumi nemashanu+ nehomeri yebhari nehafu yehomeri yebhari. 3  Ndakabva ndamuti: “Uchagara uri wangu kwemazuva mazhinji.+ Usaita ufeve+ uye usava womumwe murume;+ uye iniwo ndizvo zvandichaita kwauri.” 4  Imhosva yokuti vanakomana vaIsraeri vachagara kwemazuva mazhinji vasina mambo,+ vasina jinda, vasina chibayiro,+ vasina mbiru uye vasina efodhi+ neterafimu.+ 5  Pashure paizvozvo vanakomana vaIsraeri vachadzoka, votsvaka Jehovha Mwari wavo+ naDhavhidhi mambo wavo;+ uye mumazuva okupedzisira+ vachauya kuna Jehovha nokurunako rwake vachidedera.+

Mashoko Emuzasi