Genesisi 41:1-57
41 Zvino makore maviri azere akati apera, Farao akarota+ akamira pedyo noRwizi rwaNire.
2 Paiva nemhou nomwe dzakanga dzakanaka uye dzakakora dzakanga dzichibuda murwizi rwaNire, uye dzakatanga kufura pakati pouswa hwaNire.+
3 Paivawo nedzimwe mhou nomwe dzakanga dzichibuda murwizi rwaNire dzichidzitevera, dzakanga dzakashata uye dzakaonda,+ uye dzakamira pedyo nemhou dzaiva pamahombekombe orwizi rwaNire.
4 Mhou dzakanga dzakashata uye dzakaonda dzakatanga kudya mhou nomwe dzakanga dzakanaka uye dzakakora.+ Farao akabva apepuka.+
5 Zvisinei, akararazve akarota kechipiri. Paiva nehura nomwe dzezviyo dzaibuda padzinde rimwe, dzakakora uye dzakanaka.+
6 Paivawo nehura nomwe dzezviyo, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva,+ dzaikura pashure padzo.+
7 Hura dzezviyo dzakatetepa dzakatanga kumedza hura nomwe dzezviyo dzakakora uye dzizere.+ Farao akabva apepuka akaona kuti airota.
8 Zvino ava mangwanani akanetseka.+ Naizvozvo akatumira shoko akashevedza vapristi vose veIjipiti vaiita zvemashiripiti+ nevanhu vayo vose vakachenjera,+ uye Farao akarondedzera hope dzake kwavari.+ Asi Farao haana kuwana mududziri wadzo.
9 Mukuru wevadiri akabva ataura naFarao,+ achiti: “Nhasi ndiri kutaura zvivi zvangu.+
10 Farao akatsamwira vashandi vake.+ Naizvozvo akandiisa kujeri reimba yomukuru wevarindi,+ ini nomukuru wevabiki.
11 Pashure paizvozvo tose takarota hope usiku humwe, ini naye. Takarota mumwe nomumwe hope dzake dzine kududzirwa kwadzo.+
12 Kwaiva nerimwe jaya rataiva naro imomo, muHebheru,+ mushandi womukuru wevarindi.+ Patakadzirondedzera kwariri,+ rakatidudzira hope dzedu. Rakadudzira kune mumwe nomumwe maererano nehope dzake.
13 Zvakazoitika sokududzira kwarakanga raita kwatiri. Ini akandidzorera kubasa rangu,+ asi iye akamuturika.”+
14 Farao akatumira shoko, akashevedza Josefa,+ kuti vakurumidze kumubudisa mugomba rejeri.+ Nokudaro akagera ndebvu,+ akachinja majasi ake,+ akapinda maiva naFarao.
15 Farao akabva ati kuna Josefa: “Ndarota hope, asi hapana angadzidudzira. Zvino ini ndanzwa nezvako zvichinzi unogona kunzwa hope wodzidudzira.”+
16 Josefa akapindura Farao, achiti: “Handifaniri hangu kuonekwa sechinhu! Mwari achazivisa kugarika kuna Farao.”+
17 Zvino Farao akaudza Josefa kuti: “Pandanga ndichirota ndanga ndimire pamahombekombe orwizi rwaNire.
18 Panga pane mhou nomwe dzakakora uye dzakanaka dzanga dzichibuda murwizi rwaNire, dzikatanga kufura muuswa hwaNire.+
19 Panga painewo dzimwe mhou nomwe dzanga dzichibuda dzichidzitevera, dzakatetepa uye dzakaipa kwazvo uye dzakaonda.+ Handina kumboona dzakaipa saidzodzo munyika yose yeIjipiti.
20 Mhou dzakaondoroka uye dzakaipa dzatanga kudya mhou nomwe dzakakora dzokutanga.+
21 Naizvozvo idzi dzapinda mumatumbu adzo, asi zvanga zvisingagoni kuzivikanwa kuti dzanga dzapinda mumatumbu adzo, zvadzanga dzakangoipa sezvadzanga dzakaita pakutanga.+ Ipapo ndabva ndapepuka.
22 “Pashure paizvozvo ndazoonawo izvi ndichirota, panga pane hura nomwe dzezviyo dzanga dzichibuda padzinde rimwe, dzakazara uye dzakanaka.+
23 Panga painewo hura nomwe dzezviyo dzakaputana, nhete, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva,+ dzanga dzichikura pashure padzo.
24 Hura dzezviyo dzakatetepa dzatanga kumedza hura nomwe dzezviyo dzakanaka.+ Naizvozvo ndaudza vapristi vanoita zvemashiripiti,+ asi hapana andizivisa.”+
25 Josefa akabva ati kuna Farao: “Hope dzaFarao dzakangofanana. Mwari wechokwadi audza Farao zvaari kuita.+
26 Mhou nomwe dzakanaka makore manomwe. Uyewo hura dzezviyo nomwe dzakanaka makore manomwe. Hope dzacho dzakangofanana.
27 Mhou nomwe dzakaondoroka uye dzakaipa dzazodzitevera makore manomwe; uye hura dzezviyo nomwe dzakaputana, dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva,+ dzichava makore manomwe enzara.+
28 Ichi ndicho chinhu chandaudza Farao: Mwari wechokwadi ari kuita kuti Farao aone zvaari kuita.+
29 “Tarirai kune makore manomwe ari kuuya ezvokudya zvizhinji munyika yose yeIjipiti.
30 Asi makore manomwe enzara achaatevera, uye zvokudya zvizhinji zvose zvomunyika yeIjipiti zvichakanganwika uye nzara yacho ichangoparadza nyika yacho.+
31 Zvokudya zvizhinji zvaimbova munyika yacho hazvizozivikanwi nokuda kwenzara iyoyo inotevera, nokuti ichava huru kwazvo.
32 Hope dzacho zvadzadzokororwa kaviri kuna Farao zvinoreva kuti chinhu chacho chasimbiswa kwazvo naMwari wechokwadi,+ uye Mwari wechokwadi ari kukurumidza kuzviita.+
33 “Naizvozvo Farao ngaatsvake murume akangwara uye akachenjera amugadze kuti atarisire nyika yose yeIjipiti.+
34 Farao ngaaite izvozvo, agadze vatariri kuti vatarisire nyika yacho,+ atore chikamu chimwe chete pazvikamu zvishanu zvenyika yeIjipiti mumakore manomwe ezvokudya zvizhinji.+
35 Ngavaunganidze zvokudya zvose zvemakore aya akanaka ari kuuya, uye ngavaunganidze zviyo paruoko rwaFarao kuti zvive zvokudya mumaguta,+ uye ngavazvichengetedze.
36 Zvokudya zvacho zvichava mugove wenyika kwemakore manomwe enzara, achavapo munyika yeIjipiti,+ kuti nyika irege kuparadzwa nenzara.”+
37 Chinhu chacho chakava chakanaka kuna Farao nokuvashandi vake vose.+
38 Naizvozvo Farao akati kuvashandi vake: “Mumwe murume akafanana nouyu ane mudzimu waMwari maari angawanika here?”+
39 Pashure paizvozvo Farao akati kuna Josefa: “Mwari zvaaita kuti uzive zvose izvi,+ hapana mumwe munhu akangwara uye akachenjera sezvawakaita.+
40 Iwe pachako uchatarisira imba yangu,+ uye vanhu vangu vose vachakuteerera chose.+ Ndichangova mukuru kwauri pachigaro choumambo chete.”+
41 Farao akatizve kuna Josefa: “Ona, ndinoita kuti utarisire nyika yose yeIjipiti.”+
42 Naizvozvo Farao akabvisa rin’i yake ine chidhindo+ paruoko rwake, akaiisa paruoko rwaJosefa, akamupfekedza nguo dzakagadzirwa nerineni yakanaka kwazvo, akaisa chishongo chendarama muhuro make.+
43 Uyezve, akaita kuti akwire mungoro yechipiri yokukudzwa yaaiva nayo,+ kuti vashevedzere pamberi pake kuti, “A·vrékh!” nokudaro achimuita kuti atarisire nyika yose yeIjipiti.
44 Farao akatizve kuna Josefa: “Ndini Farao, hapana murume angasimudza ruoko rwake kana tsoka yake munyika yose yeIjipiti asina kubvumirwa newe.”+
45 Pashure paizvozvo Farao akatumidza Josefa kuti Zafenati-paneya uye akamupa Asenati+ mwanasikana waPotifera mupristi weOni+ kuti ave mudzimai wake. Josefa akabuda akafamba panyika yeIjipiti.+
46 Josefa akanga ava nemakore makumi matatu+ paakamira pamberi paFarao Mambo weIjipiti.
Josefa akabva pamberi paFarao akafamba achiona nyika yose yeIjipiti.
47 Nyika yacho yakaramba ichibereka zvizhinji mumakore manomwe ezvokudya zvizhinji.+
48 Akaramba achiunganidza zvokudya zvose zvemakore manomwe akauya panyika yeIjipiti uye aiisa zvokudya zvacho mumaguta.+ Zvokudya zvomumunda wakanga wakapoteredza guta akazviisa pakati paro.+
49 Josefa akaramba achiunganidza zviyo zvakawanda kwazvo,+ sejecha regungwa, kusvikira vazorega kuzviverenga, nokuti zvakanga zvisingaverengeki.+
50 Zvino gore renzara risati rasvika Josefa akaberekerwa vanakomana vaviri,+ avo Asenati mwanasikana waPotifera mupristi weOni akamuberekera.
51 Naizvozvo Josefa akatumidza dangwe racho kuti Manase,+ nokuti, sezvaakataura, “Mwari aita kuti ndikanganwe kutambudzika kwangu kwose uye imba yose yababa vangu.”+
52 Akatumidza wechipiri kuti Efremu,+ nokuti, sezvaakataura, “Mwari aita kuti ndibereke munyika yokutambudzika kwangu.”+
53 Zvino makore manomwe ezvokudya zvizhinji akanga avapo panyika yeIjipiti akapera zvishoma nezvishoma,+
54 uyewo, makore manomwe enzara akatanga kuuya, sezvakanga zvataurwa naJosefa.+ Nzara yacho yakavapo munyika dzose, asi munyika yose yeIjipiti makawanikwa zvokudya.+
55 Nyika yose yeIjipiti yakazofa nenzara uye vanhu vakatanga kuchemera zvokudya kuna Farao.+ Farao akabva ati kuvaIjipiti vose: “Endai kuna Josefa. Itai chero zvaanokuudzai.”+
56 Nzara yakavapo panyika yose.+ Josefa akabva atanga azarura matura ose ezviyo akanga ari pakati pavo, akatengesera vaIjipiti,+ nzara yacho zvayakanyanya panyika yeIjipiti.
57 Uyezve, vanhu vomunyika yose vakauya kuIjipiti kuzotenga kuna Josefa, nokuti nzara yakanga yanyanya panyika yose.+

