Genesisi 34:1-31
34 Zvino Dhina mwanasikana waReya,+ waakanga aberekera Jakobho, aiwanzobuda kunoona+ vanasikana vomunyika yacho.+
2 Shekemu mwanakomana waHamori muHivhi,+ muchinda wenyika yacho, akamuona, akabva amutora, akamubata chibharo.+
3 Mweya wake wakatanga kunamatira Dhina mwanasikana waJakobho, akada musikana wacho, akaramba achitaura nomusikana wacho achimunyengetedza.
4 Shekemu akazoti kuna Hamori baba vake:+ “Ndiwanirei musikana uyu kuti ave mudzimai wangu.”+
5 Zvino Jakobho akanzwa kuti akanga asvibisa Dhina mwanasikana wake. Vanakomana vake vakanga vari kumafuro neboka rake rezvipfuwo;+ Jakobho akaramba akanyarara kusvikira vauya.+
6 Gare gare Hamori, baba vaShekemu, vakabuda vakaenda kuna Jakobho kuti vataure naye.+
7 Vanakomana vaJakobho vakauya vachibva kumafuro pavakangozvinzwa; varume vacho vakarwadziwa mumwoyo, vakatsamwa kwazvo,+ nokuti akanga aitira Israeri chinhu choupenzi chinonyadzisa nokurara nomwanasikana waJakobho,+ nepo pasina chinhu chakadaro chaifanira kuitwa.+
8 Zvino Hamori akataura navo, achiti: “Mweya womwanakomana wangu Shekemu, wanamatira mwanasikana wenyu.+ Ndapota, mupei kuti ave mudzimai wake,+
9 uye ngatirooreranei.+ Tipei vanasikana venyu, imi mutore vanasikana vedu.+
10 Mungagara nesu, uye nyika ichava pamberi penyu. Garai mutengesere mairi, mugadzikane mairi.”+
11 Shekemu akabva ati kuna baba vake nokuhanzvadzi dzake: “Ndinzwirei nyasha, uye ndichakupai chero chamuchataura kwandiri.
12 Kwidzai kwazvo mari yeroora uye chipo chinorehwa pandiri,+ ndinoda kupa maererano nezvamungataura kwandiri; ingondipai musikana wacho kuti ave mudzimai wangu.”
13 Zvino vanakomana vaJakobho vakapindura Shekemu nababa vake Hamori nokunyengera, vakataura saizvozvo nokuti akanga asvibisa Dhina hanzvadzi yavo.+
14 Vakati kwavari: “Hatigoni kuita chinhu chakadai, kupa hanzvadzi yedu murume ane chikanda chepamberi,+ nokuti izvozvo zvinotizvidzisa.
15 Tingabvumirana nemi kana maita izvi chete, kuti muve sesu, nokudzingisa+ vanhurume venyu vose.
16 Tichabva takupai vanasikana vedu, uye tichatora vanasikana venyu, uye tichagara nemi tikava vanhu vamwe.+
17 Asi kana musingatiteereri kuti mudzingiswe, tichabva tatora mwanasikana wedu toenda.”
18 Zvino mashoko avo akava akanaka kuna Hamori nokuna Shekemu, mwanakomana waHamori,+
19 uye jaya racho harina kunonoka kuita izvozvo,+ nokuti raifarira mwanasikana waJakobho uye ndiro raikudzwa kwazvo+ muimba yose yababa varo.+
20 Naizvozvo Hamori naShekemu mwanakomana wake vakaenda kugedhi reguta ravo, vakataura nevarume veguta ravo,+ vachiti:
21 “Varume ava vanoda zvorugare nesu.+ Nokudaro ngavagare munyika vatengesere mairi, nyika yacho zvayakafara kwazvo pamberi pavo.+ Tinogona kutora vanasikana vavo kuti vave madzimai edu uye tinogona kuvapa vanasikana vedu.+
22 Varume vacho vachabvumirana nesu kuti vagare nesu kuti tive vanhu vamwe kana tangoita izvi chete, kuti vanhurume vedu vose vadzingiswe sokudzingiswa kwavakaitwa ivo.+
23 Zvinhu zvavo nepfuma yavo nezvipfuwo zvavo zvose, hazvizobvi zvava zvedu here?+ Ngatingobvumiranei navo chete kuti vagare nesu.”+
24 Vose vaibuda negedhi reguta rake vakabva vateerera Hamori nomwanakomana wake Shekemu, vanhurume vose vakadzingiswa, vose vaibuda nepagedhi reguta rake.
25 Zvisinei, pazuva rechitatu, pavakanga vachirwadziwa,+ vanakomana vaviri vaJakobho, Simiyoni naRevhi,+ hanzvadzi dzaDhina,+ vakatora mumwe nomumwe bakatwa rake, vakaenda kuguta racho vanhu vasingafungiri, vakauraya vanhurume vose.+
26 Vakauraya Hamori nomwanakomana wake Shekemu nomuromo webakatwa.+ Vakabva vatora Dhina mumba maShekemu, vakabuda.+
27 Vamwe vanakomana vaJakobho vakarwisa varume vakakuvadzwa zvokufa, ivo vakapamba guta racho, nokuti vakanga vasvibisa hanzvadzi yavo.+
28 Vakatora makwai avo nemombe dzavo nembongoro dzavo nezvakanga zviri muguta nezvakanga zviri mumunda.+
29 Vakatapa zvavairarama nazvo zvose nevana vavo vose vaduku nemadzimai avo, zvokuti vakapamba zvose zvakanga zviri mudzimba.+
30 Jakobho akati kuna Simiyoni naRevhi:+ “Mandiunzira dambudziko nokundiita chinhu chinonyangadza kuvagari vomunyika ino,+ kuvaKenani nevaPerizi; nepo ini ndine vanhu vashoma kwazvo,+ zvino vachandiunganira, vakandirwisa uye ndichatsakatiswa, ini neimba yangu.”
31 Ivo vakatiwo: “Pane munhu anofanira kuita hanzvadzi yedu sepfambi here?”+

