Eksodho 14:1-31

14  Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti:  “Taura nevanakomana vaIsraeri, kuti vadzoke, vadzike musasa pamberi pePihahiroti pakati peMigdhori negungwa pakatarisana neBhaari-zefoni.+ Mudzike musasa pedyo negungwa pakatarisana napo.  Zvino Farao achabva ati nezvevanakomana vaIsraeri, ‘Vari kudzungaira munyika yacho vavhiringidzika. Renje ravavharidzira.’+  Naizvozvo ndicharega mwoyo waFarao uchioma,+ iye achavatevera uye ndichakudzwa nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ose ehondo;+ uye vaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha.”+ Nokudaro vakaita saizvozvo.  Gare gare mambo weIjipiti akaudzwa kuti vanhu vakanga vatiza. Mwoyo waFarao neyevashandi vake ikabva yachinja pamusoro pevanhu vacho,+ zvokuti vakati: “Taitei, zvatarega vaIsraeri kuti vaende, varege kuva varanda+ vedu?”  Naizvozvo akagadzirira ngoro dzake dzehondo, akaenda nevanhu vake.+  Akatora ngoro dzehondo dzakasarudzwa+ mazana matanhatu nedzimwe ngoro dzose dzeIjipiti nevarwi vaiva mune imwe neimwe yadzo.  Nokudaro Jehovha akarega mwoyo waFarao mambo weIjipiti uchioma,+ iye akatevera vanakomana vaIsraeri, vanakomana vaIsraeri pavakanga vachibuda noruoko rune simba.+  VaIjipiti vakavatevera, mabhiza ose engoro aFarao nevarwi vaitasva mabhiza+ nemauto ake ehondo vakavabata pavakanga vakadzika musasa pedyo negungwa, pedyo nePihahiroti pakatarisana neBhaari-zefoni.+ 10  Farao paakasvika pedyo, vanakomana vaIsraeri vakatarira, vakaona vaIjipiti vachivatevera; vanakomana vaIsraeri vakatya kwazvo vakatanga kuchemera Jehovha.+ 11  Ivo vakati kuna Mosesi: “Makatisvitsa kuno kuti tifire murenje nokuti muIjipiti hamuna kana makuva here?+ Chii ichi chamakatiitira nokutibudisa muIjipiti? 12  Izvi handizvo here zvatakakuudzai tiri muIjipiti, tichiti, ‘Tiregei hedu, kuti tishandire vaIjipiti’? Nokuti zviri nani kuti tishandire hedu vaIjipiti, pane kuti tifire murenje.”+ 13  Mosesi akabva ati kuvanhu vacho: “Musatya henyu.+ Mirai makasimba muone ruponeso rwaJehovha, rwaachakuitirai nhasi.+ Nokuti vaIjipiti ava vamuri kuona nhasi hamuchazombovaonizve, aiwa, kana.+ 14  Jehovha achakurwirai,+ uye imi muchange makanyarara henyu.” 15  Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Unorambirei uchindichemera?+ Taura nevanakomana vaIsraeri kuti vaputse musasa. 16  Asi iwe, simudza tsvimbo yako,+ utambanudzire ruoko rwako pagungwa urikamure,+ kuti vanakomana vaIsraeri vapfuure nepakati pegungwa panyika yakaoma.+ 17  Asi ini, ndicharega mwoyo yevaIjipiti ichioma,+ kuti vapinde vachivatevera uye kuti ndikudzwe nezvichaitika kuna Farao nemauto ake ose ehondo, ngoro dzake dzehondo nevarwi vake vanotasva mabhiza.+ 18  VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha pandichakudzwa ndichishandisa Farao, ngoro dzake dzehondo, nevarwi vake vanotasva mabhiza.”+ 19  Zvino ngirozi+ yaMwari wechokwadi yakanga ichitungamirira boka raIsraeri yakabva ikaenda shure kwavo, uye shongwe yegore yakabva mberi kwavo ikamira shure kwavo.+ 20  Naizvozvo yakapinda pakati pomusasa wevaIjipiti nomusasa waIsraeri.+ Kune rumwe rutivi yakava gore pamwe chete nerima. Kune rumwe rutivi yakaramba yakavhenekera usiku.+ Boka iri harina kuswedera pedyo neboka iro usiku hwose. 21  Zvino Mosesi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa;+ Jehovha akatanga kudzorera shure gungwa achishandisa mhepo yokumabvazuva ine simba usiku hwose, uye kuchinja pasi pegungwa kuva nyika yakaoma,+ uye mvura yakanga ichikamurwa.+ 22  Kwapera nguva yakati, vanakomana vaIsraeri vakapfuura nepakati pegungwa panyika yakaoma,+ mvura payakanga yakaita madziro kwavari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe kwavo.+ 23  VaIjipiti vakavadzingirira, nemabhiza ose aFarao, ngoro dzake dzehondo nevarwi vake vaitasva mabhiza, vakatanga kupinda vachivatevera,+ pakati pegungwa. 24  Zvino munguva yokurinda yemangwanani Jehovha akatanga kutarira boka revaIjipiti ari mushongwe yomoto negore,+ akavhiringidza boka revaIjipiti.+ 25  Akaramba achigurunura mavhiri engoro dzavo zvokuti vakanga vava kunetseka kudzifambisa;+ uye vaIjipiti vakatanga kuti: “Ngatitize tibve zvachose pavaIsraeri, nokuti Jehovha ari kuvarwira pavaIjipiti.”+ 26  Jehovha akazoti kuna Mosesi: “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa,+ kuti mvura idzokere pamusoro pevaIjipiti, pangoro dzavo dzehondo nevarwi vavo vanotasva mabhiza.” 27  Mosesi akabva atambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, gungwa rikatanga kudzokera pane zvarakanga rakaita kwava kuedza. Munguva yose iyi vaIjipiti vakanga vachitiza kuti varege kusangana naro, asi Jehovha akazunzira vaIjipiti mukati megungwa.+ 28  Mvura yakaramba ichidzokera.+ Iyo yakazofukidza ngoro dzehondo nevarwi vaitasva mabhiza vemauto ose ehondo aFarao vakanga vapinda mugungwa vachivatevera.+ Hapana kana nomumwe wavo akasara.+ 29  Asi vanakomana vaIsraeri, vakafamba panyika yakaoma pakati pegungwa,+ uye mvura yaiva madziro kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe rwavo.+ 30  Nokudaro Jehovha akaponesa vaIsraeri paruoko rwevaIjipiti pazuva iroro,+ uye vaIsraeri vakaona vaIjipiti vakafa pamhenderekedzo yegungwa.+ 31  Israeri akaonawo simba guru rakanga rashandiswa naJehovha mukurwisa vaIjipiti; vanhu vakatanga kutya Jehovha, vakava nokutenda muna Jehovha naMosesi mushumiri wake.+

Mashoko Emuzasi