Dheuteronomi 12:1-32
12 “Iyi ndiyo mirau+ nezvakatongwa+ zvamunofanira kuchenjerera kuita+ munyika iyo Jehovha Mwari wemadzitateguru enyu achakubvumirai kuti muitore kuti ive yenyu, mazuva ose amunenge muri vapenyu panyika.+
2 Munofanira kuparadza+ chose nzvimbo dzose idzo marudzi amuri kudzinga akashumira vanamwari vawo padziri, pamakomo marefu nezvikomo nepasi pemiti yose yakasvibirira.+
3 Munofanira kuputsa atari dzawo+ nokuputsa shongwe dzawo tsvene,+ munofanira kupisa matanda awo matsvene+ mumoto, moputsa mifananidzo yakavezwa+ yavanamwari vawo, uye munofanira kuparadza mazita avo munzvimbo iyoyo.+
4 “Musaitira Jehovha Mwari wenyu saizvozvo,+
5 asi mutsvake nzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza pamadzinza enyu ose kuti aise zita rake ipapo, kuti aite kuti rigare ipapo, uye iwe unofanira kuenda ikoko.+
6 Munofanira kuenda ikoko nezvinopiwa zvenyu zvinopiswa+ nezvibayiro zvenyu nezvegumi zvenyu+ nomupiro wemaoko enyu+ nezvinopiwa zvenyu zvemhiko+ nezvinopiwa zvenyu zvokuzvidira+ nematangwe emombe dzenyu neemakwai enyu.+
7 Munofanira kudyira pamberi paJehovha Mwari wenyu+ ikoko uye mufarire zvose zvamunoita,+ imi nemhuri dzenyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akakukomborerai.
8 “Musaita maererano nezvose zvatiri kuita pano nhasi, mumwe nomumwe achiita chero zvakarurama kwaari,+
9 nokuti hamusati masvika munzvimbo yokuzororera+ uye kunhaka zvamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu.
10 Munofanira kuyambuka Jodhani+ mogara munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive yenyu,+ achakupai zororo pavavengi venyu vose vakakupoteredzai, uye muchagara makachengeteka.+
11 Nzvimbo+ ichasarudzwa naJehovha Mwari wenyu kuti zita rake rigare ipapo ndiyo yamuchaunza zvose zvandiri kukurayirai, zvinopiwa zvenyu zvinopiswa+ nezvibayiro zvenyu, zvegumi zvenyu+ nomupiro+ unobva mumaoko enyu nezvinopiwa zvenyu zvose zvemhiko+ zvakanaka kwazvo zvamuchapikira Jehovha.
12 Mufare pamberi paJehovha Mwari wenyu,+ imi nevanakomana venyu nevanasikana venyu nevarandarume venyu nevarandasikana venyu nomuRevhi ari mukati memagedhi enyu, nokuti haana mugove kana nhaka pamwe chete nemi.+
13 Chenjererai kuti murege kupa zvinopiwa zvenyu zvinopiswa mune imwe nzvimbo chero ipi zvayo yamungaona.+
14 Asi mupe zvinopiwa zvenyu zvinopiswa munzvimbo ichasarudzwa naJehovha mune rimwe remadzinza enyu, uye ikoko ndiko kwamunofanira kuita zvose zvandiri kukurayirai.+
15 “Ungabaya hako mhuka pose apo mweya wako unenge wava nenhomba yenyama,+ uye unofanira kudya nyama maererano nechikomborero chaJehovha Mwari wako chaakakupa, mukati memagedhi ako ose. Munhu asina kuchena+ nomunhu akachena angaidya, sezvinoitwa mhara uye sezvinoitwa nondo hono.+
16 Asi hamufaniri kudya ropa.+ Unofanira kuridururira pasi semvura.+
17 Hauzobvumirwi kudyira chegumi chezviyo zvako mukati memagedhi ako,+ kana kuti chewaini yako itsva kana chemafuta ako kana chematangwe emombe dzako neemakwai ako+ kana chero zvinopiwa zvako zvipi zvazvo zvemhiko zvauchapika kana zvinopiwa zvako zvokuzvidira+ kana mupiro woruoko rwako.+
18 Asi uchachidyira pamberi paJehovha Mwari wako, munzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako,+ iwe nomwanakomana wako nomwanasikana wako nomurandarume wako nomurandasikana wako nomuRevhi ari mukati memagedhi ako; ufare+ pamberi paJehovha Mwari wako pane zvose zvaunoita.
19 Chenjerera kuti urege kusiya muRevhi+ mazuva ose aunenge uri panyika yako.
20 “Jehovha Mwari wako paachakudza nharaunda yako,+ sezvaakakupikira,+ iwe woti, ‘Regai ndidye nyama,’ nokuti mweya wako unenge wava nenhomba yokudya nyama, ungadya hako nyama pose apo mweya wako unova nenhomba yenyama.+
21 Kana nzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti aise zita rake ipapo+ ikava kure newe, unofanira kuuraya dzimwe mombe dzako kana mamwe makwai ako zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakurayira, uye unofanira kudyira mukati memagedhi ako pose apo mweya wako unova nenhomba yenyama.+
22 Uidye sokungodyiwa kunoitwa nyama yemhara neyenondo hono:+ munhu asina kuchena+ neakachena vangaidya.
23 Ingotsunga kusadya ropa+ racho, nokuti ropa ndiwo mweya+ uye haufaniri kudya mweya pamwe chete nenyama yacho.
24 Usaridya. Unofanira kuridururira pasi semvura.+
25 Usaridya, kuti zvikufambire zvakanaka+ iwe nevanakomana vako vanokutevera, nokuti uchaita zvakanaka pamberi paJehovha.+
26 Unofanira kungotakura zvinhu zvako zvitsvene+ zvaunozopa chete, nezvinopiwa zvako zvemhiko,+ uye unofanira kuuya kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha.+
27 Unofanira kupisira zvinopiwa zvako zvinopiswa,+ nyama neropa,+ paatari yaJehovha Mwari wako; uye ropa rezvibayiro zvako rinofanira kudururirwa pedyo neatari yaJehovha+ Mwari wako, asi ungadya hako nyama yacho.
28 “Chenjerera, uteerere mashoko aya ose andiri kukurayira,+ kuti zvikufambire zvakanaka+ iwe nevanakomana vako vanokutevera nokusingagumi, nokuti uchaita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.+
29 “Jehovha Mwari wako paachaparadza marudzi pamberi pako, auri kuenda kunodzinga,+ unofanira kuadzingawo wogara munyika yawo.+
30 Chenjerera kuti urege kunyengerwa nawo,+ pashure pokunge atsakatiswa pamberi pako, uye kuti urege kubvunza pamusoro pavanamwari vawo, uchiti, ‘Marudzi aya aishumira vanamwari vawo sei? Ini, iniwo chokwadi ndichaita saizvozvo.’
31 Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo,+ nokuti iwo akaitira vanamwari vawo zvinhu zvose zvinosemesa Jehovha uye zvaanovenga, nokuti anogara achipisira vanakomana vawo nevanasikana vawo kuna vanamwari vawo mumoto.+
32 Muchenjerere kuita mashoko ose andiri kukurayirai.+ Musawedzera paari kana kubvisa paari.+

