2 Makoronike 5:1-14

5  Basa rose raifanira kuitwa naSoromoni paimba yaJehovha rakazopera,+ Soromoni akatanga kupinza zvinhu zvakaitwa zvitsvene nababa vake Dhavhidhi;+ uye akaisa sirivha nendarama nemidziyo yose papfuma yeimba yaMwari wechokwadi.+ 2  Panguva iyoyo Soromoni akabva aunganidza varume vakuru vaIsraeri+ nevakuru vose vemadzinza,+ machinda edzimba dzemadzibaba+ evanakomana vaIsraeri, kuJerusarema, kuti vakwire+ neareka+ yesungano yaJehovha ichibva muGuta raDhavhidhi,+ kureva Ziyoni.+ 3  Naizvozvo varume vose vaIsraeri vakaungana kwaiva namambo pamutambo womwedzi wechinomwe.+ 4  Naizvozvo varume vakuru vose vaIsraeri vakauya,+ vaRevhi vakatakura Areka.+ 5  Vakakwira neAreka+ yacho netende rokusanganira+ nemidziyo yose mitsvene+ yaiva mutende racho. Vapristi, ivo vaRevhi, vakakwira nazvo.+ 6  Mambo Soromoni neungano yose yevaIsraeri vaichengeta zvavakanga varangana naye vari pamberi peAreka, vakanga vachibayira+ makwai nemombe zvakanga zvakawanda zvokusagona kuzivikanwa kuti zvingani uye zvokusagona kuverengwa. 7  Vapristi vakabva vapinda neareka yesungano yaJehovha munzvimbo yayo, muimba yomukatikati+ yeimba yacho, muNzvimbo Tsvenetsvene,+ pasi pemapapiro emakerubhi.+ 8  Nokudaro makerubhi acho akanga akangotambanudzira mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeAreka, zvokuti makerubhi acho akafukidza Areka nematanda+ ayo nechepamusoro.+ 9  Asi matanda acho akanga akareba, zvokuti kumuromo kwematanda acho kwaioneka uri muNzvimbo Tsvene pamberi peimba yomukatikati, asi akanga asingaoneki uri kunze, uye iwo achiri imomo kusvikira nhasi.+ 10  MuAreka macho makanga musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri+ akanga aiswa imomo naMosesi kuHorebhi,+ Jehovha paakaita sungano+ nevanakomana vaIsraeri pavaibuda munyika yeIjipiti.+ 11  Vapristi pavakabuda munzvimbo tsvene (vapristi vose vakanga varipo, zvavakanga vazvinatsa+—pakanga pasina chikonzero chokuti vaite zvemapoka);+ 12  nevaRevhi+ vaiva vaimbi vavo vose, kureva vaimbi vaAsafi,+ vaHemani,+ vaJedhutuni+ nevevanakomana vavo nevehama dzavo, vakapfeka machira akanaka kwazvo, vaine makwakwakwa esimbi+ nezviridzwa zvine tambo+ noudimbwa,+ vakanga vakamira kumabvazuva kweatari, vaine vapristi vaisvika zana nemakumi maviri vairidza mabhosvo;+ 13  uye varidzi vemabhosvo nevaimbi pavakangoita kuti inzwi ravo rinzwike somunhu mumwe chete+ vachirumbidza nokuonga Jehovha, pavakangoridzisa mabhosvo nemakwakwakwa esimbi nezviridzwa+ vachirumbidza+ Jehovha, “nokuti akanaka,+ nokuti mutsa wake worudo+ unogara nokusingagumi,” imba yacho yakazadzwa negore,+ iyo imba yaJehovha,+ 14  uye vapristi havana kukwanisa kumira kuti vashumire nokuda kwegore racho;+ nokuti kubwinya+ kwaJehovha kwakanga kwazadza imba yaMwari wechokwadi.

Mashoko Emuzasi