2 Makoronike 36:1-23
36 Zvino vanhu vomunyika yacho vakatora Jehoahazi+ mwanakomana waJosiya, vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo pababa vake muJerusarema.+
2 Jehoahazi akanga aine makore makumi maviri nematatu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusarema.+
3 Zvisinei, mambo weIjipiti akamubvisa muJerusarema,+ akaripisa nyika yacho matarenda esirivha+ zana netarenda rendarama rimwe chete.
4 Mambo+ weIjipiti akagadzawo munun’una wake Eriyakimu+ kuti ave mambo waJudha neJerusarema, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; asi Neko+ akatora mukoma wake Jehoahazi, akaenda naye kuIjipiti.+
5 Jehoyakimu+ akanga aine makore makumi maviri nemashanu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore gumi nerimwe chete ari muJerusarema;+ uye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wake.+
6 Nebhukadhinezari+ mambo weBhabhironi akauya+ kuti amusunge nezvisungo zvomumakumbo zviviri zvemhangura, kuti aende naye kuBhabhironi.+
7 Nebhukadhinezari+ akaenda kuBhabhironi nemimwe midziyo+ yeimba yaJehovha, akabva aiisa mumuzinda wake waiva muBhabhironi.+
8 Mamwe mabasa ose+ aJehoyakimu nezvinhu zvake zvinosemesa+ zvaakaita nezvakaipa zvakawanikwa paari, tarirai zvakanyorwa muBhuku+ reMadzimambo aIsraeri naJudha; uye mwanakomana wake Jehoyakini+ akatanga kutonga panzvimbo pake.
9 Jehoyakini+ akanga aine makore gumi nemasere paakatanga kutonga, uye akatonga kwemwedzi mitatu+ nemazuva gumi ari muJerusarema; uye iye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+
10 Zvino pakutanga+ kwegore, Mambo Nebhukadhinezari akatuma+ vanhu, vakamuunza kuBhabhironi+ pamwe chete nezvinhu zvinokosha zveimba yaJehovha.+ Akagadzawo Zedhekiya+ hama yababa vake kuti ave mambo waJudha neJerusarema.+
11 Zedhekiya+ akanga aine makore makumi maviri nerimwe chete paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore gumi nerimwe chete ari muJerusarema.+
12 Akaramba achiita zvakaipa+ pamberi paJehovha Mwari wake. Haana kuzvininipisa+ pamberi pomuprofita+ Jeremiya+ akanga arayirwa naJehovha.
13 Akapandukirawo Mambo Nebhukadhinezari,+ akanga aita kuti apike naMwari;+ uye akaramba achiomesa+ mutsipa wake nokuomesa+ mwoyo wake kuti arege kudzokera kuna Jehovha Mwari waIsraeri.
14 Vakuru vose vevapristi+ nevanhu vakaitawo nokusatendeka kukuru, maererano nezvinhu zvose zvinosemesa+ zvemamwe marudzi, zvokuti vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga atsvenesa muJerusarema.+
15 Jehovha Mwari wemadzitateguru avo akaramba achivatumira shoko achishandisa nhume dzake,+ achivatumira avatumirazve, nokuti ainzwira tsitsi vanhu vake+ nenzvimbo yake yokugara.+
16 Asi vakaramba vachiseka+ nhume dzaMwari wechokwadi, vachizvidza mashoko ake+ uye vachinyomba+ vaprofita vake, kusvikira Jehovha atsamwira+ vanhu vake, kusvikira zvisingachagadziriki.+
17 Naizvozvo akavaunzira mambo wevaKadheya+ kuzovarwisa, uyo akauraya majaya avo nebakatwa+ muimba yenzvimbo yavo tsvene,+ haana kunzwira tsitsi jaya kana mhandara, akwegura kana ndonda yakwegura.+ Akaisa zvose muruoko rwake.
18 Midziyo yose+ yeimba yaMwari wechokwadi, mikuru+ nemiduku, nepfuma+ yeimba yaJehovha nepfuma yamambo+ neyemachinda ake, iye akaenda nazvo zvose kuBhabhironi.
19 Akapisa imba yaMwari wechokwadi,+ akaputsa rusvingo+ rweJerusarema; uye vakapisa shongwe dzaro dzose dzokugara nomoto nezvinhu zvaro zvose zvinokosha,+ zvokuti zvose zvakaparadzwa.+
20 Akatapawo vaya vakanga vasiyiwa nebakatwa, akaenda navo kuBhabhironi,+ vakava vashandi vake+ nevevanakomana vake kusvikira umambo hwePezhiya+ hwatanga kutonga;
21 kuti shoko raJehovha rizadzike rakanga rataurwa nomuromo waJeremiya,+ kusvikira nyika yaripa masabata ayo.+ Yakachengeta sabata mazuva ose ayakanga iri dongo, kuti isvitse makore makumi manomwe.+
22 Zvino mugore rokutanga raKoreshi+ mambo wePezhiya,+ kuti shoko raJehovha+ rakataurwa nomuromo waJeremiya+ riitike, Jehovha akamutsa mwoyo+ waKoreshi mambo wePezhiya, zvokuti akaita kuti kushevedzera kuitwe muumambo hwake hwose, uyewo akanyora,+ achiti:
23 “Zvanzi naKoreshi mambo wePezhiya,+ ‘Jehovha Mwari wokumatenga akandipa umambo hwose hwenyika,+ uye iye akandirayira kuti ndimuvakire imba muJerusarema, riri muJudha.+ Munhu wose ari pakati penyu wevanhu vake vose,+ Jehovha Mwari wake ngaave naye.+ Naizvozvo iye ngaaende.’”+

