2 Makoronike 27:1-9

27  Jotamu+ akanga aine makore makumi maviri nemashanu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore gumi nematanhatu ari muJerusarema. Amai vake vainzi Jerusha,+ mwanasikana waZadhoki. 2  Iye akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ maererano nezvose zvakanga zvaitwa nababa vake Uziya.+ Asi haana kupinda mutemberi yaJehovha nechisimba.+ Zvisinei, vanhu vakanga vachiri kuita zvakaipa.+ 3  Iye akavaka gedhi rokumusoro+ reimba yaJehovha, akavakawo zvinhu zvakawanda kwazvo parusvingo rweOferi.+ 4  Akavaka maguta+ munzvimbo ine makomo yaJudha,+ akavakawo nzvimbo dzakanga dzakavakirirwa+ pamwe chete neshongwe+ mumasango.+ 5  Akarwa namambo wevanakomana vaAmoni,+ akazova nesimba kuvapfuura, zvokuti mugore iroro vanakomana vaAmoni vakamupa matarenda esirivha zana nemakori+ egorosi+ zviuru gumi neebhari+ zviuru gumi. Izvi ndizvo zvaakaripwa nevanakomana vaAmoni, uyewo mugore rechipiri nerechitatu.+ 6  Naizvozvo Jotamu akaramba achiva nesimba, nokuti akaruramisa nzira dzake pamberi paJehovha Mwari wake.+ 7  Mamwe mabasa ose aJotamu+ nokurwa kwake kwose nenzira dzake, zvakanyorwa muBhuku+ reMadzimambo aIsraeri neaJudha. 8  Aiva nemakore makumi maviri nemashanu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore gumi nematanhatu ari muJerusarema.+ 9  Jotamu akazorara nemadzitateguru ake,+ vakamuviga muGuta raDhavhidhi.+ Zvino mwanakomana wake Ahazi+ akatanga kutonga panzvimbo pake.

Mashoko Emuzasi