2 Madzimambo 22:1-20
22 Josiya+ akanga aine makore masere paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore makumi matatu nerimwe chete ari muJerusarema. Amai vake vainzi Jedhidha mwanasikana waAdhaya wokuBhozkati.+
2 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha,+ akafamba nenzira yose yatateguru vake Dhavhidhi,+ haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+
3 Zvino mugore rechigumi nemasere raMambo Josiya, mambo akatuma Shafani+ mwanakomana waAzaria mwanakomana waMeshuramu munyori kuimba yaJehovha, achiti:
4 “Enda kumupristi mukuru+ Hirikiya,+ agadzirire mari+ iri kuunzwa muimba yaJehovha+ yakaunganidzwa nevachengeti vemasuo+ ichibva kuvanhu;
5 uye ngavaiise mumaoko evaya vari kuita basa,+ vaya vakagadzwa, vari muimba yaJehovha, kuti vaipe vaya vari kuita basa vari muimba yaJehovha kuti vagadzire nzvimbo dzakatsemuka dzeimba yacho,+
6 vaipe mhizha nevavaki nevanhu vanovaka nematombo, uye kuti vatenge matanda nematombo akavezwa kuti vagadzire imba yacho.+
7 Asi ngavarege kubvunzwa pamusoro pemari iri kuiswa mumaoko avo,+ nokuti vari kushanda nokutendeka.”+
8 Gare gare mupristi mukuru Hirikiya+ akati kumunyori+ Shafani:+ “Ndawana bhuku romutemo+ muimba yaJehovha.” Naizvozvo Hirikiya akapa Shafani bhuku racho, iye akatanga kuriverenga.
9 Munyori Shafani akabva apinda maiva namambo, akapindura mambo akati: “Vashandi venyu vadurura mari yanga iri mumba, uye vari kuramba vachiiisa mumaoko evanhu vari kuita basa, vaya vakagadzwa, vari muimba yaJehovha.”+
10 Munyori Shafani akaudza mambo kuti: “Pane bhuku+ randapiwa nomupristi Hirikiya.” Shafani akatanga kuriverenga pamberi pamambo.
11 Zvino mambo paakangonzwa mashoko ebhuku romutemo, akabva abvarura nguo dzake.+
12 Mambo akabva arayira mupristi Hirikiya naAhikamu+ mwanakomana waShafani naAkibhori mwanakomana waMikaya nomunyori Shafani naAsaya+ mushandi wamambo, achiti:
13 “Endai munondibvunzira+ Jehovha, ini nevanhu nevaJudha vose pamusoro pemashoko ebhuku iri rawanikwa; nokuti kutsamwa kwaJehovha+ kwatungidzwa patiri somoto kukuru, nokuti madzitateguru edu+ haana kuteerera mashoko ebhuku rino nokuita maererano nezvose zvakanyorwa pamusoro pedu.”+
14 Naizvozvo mupristi Hirikiya naAhikamu naAkibhori naShafani naAsaya vakaenda kumuprofitakadzi+ Huridha, mudzimai waSharumu mwanakomana waTikvha mwanakomana waHahasi, muchengeti wenguo,+ zvaakanga achigara muJerusarema muchikamu chechipiri pazvikamu zvina; uye vakataura naye.+
15 Iye akati kwavari: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri,+ ‘Itii kumurume akutumai kwandiri:
16 “Zvanzi naJehovha, ‘Tarira ndichaunza dambudziko+ panzvimbo ino nepavagari vayo,+ iwo mashoko+ ose ebhuku raverengwa+ namambo waJudha;
17 nokuti ivo vakandisiya, vakakwidzira vamwe vanamwari+ utsi hwezvibayiro kuti vandigumbure nebasa rose remaoko avo,+ uye kutsamwa kwangu kwakatungidzwa somoto nokuda kwenzvimbo ino uye hakuzodzimwi.’”’+
18 Asi muti kuna mambo waJudha akutumai kuzobvunza Jehovha, ‘Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: “Kana ari mashoko awanzwa,+
19 mwoyo wako+ zvawanga uri munyoro zvokuti wazvininipisa+ nokuda kwaJehovha pawanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo ino nevagari vayo kuti ive chinhu chinokatyamadza nechinotukwa,+ ukabva wabvarura+ nguo dzako, ukatanga kusvimha misodzi pamberi pangu, ini, iyeni, ndanzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.+
20 “Ndokusaka ndichakuisa+ kwakaiswa madzitateguru ako, uye uchaiswa muguva rako norugare,+ uye maziso ako haazooni dambudziko rose randichaunza panzvimbo ino.”’” Zvino ivo vakauya nemhinduro kuna mambo.

