2 Madzimambo 14:1-29
14 Mugore rechipiri raJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri, Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo waJudha akava mambo.
2 Akanga aine makore makumi maviri nemashanu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore makumi maviri nemapfumbamwe ari muJerusarema. Amai vake vainzi Jehoadhini+ wokuJerusarema.
3 Akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha,+ asi kwete satateguru vake Dhavhidhi.+ Akaita maererano nezvose zvakanga zvaitwa nababa vake Jehoashi.+
4 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa.+ Vanhu vakanga vachiri kubayira zvibayiro nokukwidzira utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.+
5 Zvino umambo hwacho pahwakanga hwangosimba muruoko rwake, akatanga kuuraya+ vashandi vake vakanga vauraya mambo, ivo baba vake.+
6 Asi haana kuuraya vanakomana vevaurayi vacho, maererano nezvakanyorwa mubhuku romutemo waMosesi zvakarayirwa naJehovha, achiti:+ “Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevanakomana, uye vanakomana havafaniri kuurayiwa nokuda kwemadzibaba; asi mumwe nomumwe achaurayirwa chivi chake.”+
7 Akauraya vaEdhomu+ muMupata woMunyu,+ varume zviuru gumi, akatora Sera pakurwa, rikatumidzwa kuti Jokteeri kusvikira nhasi.
8 Panguva iyoyo Amaziya akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu mambo waIsraeri, achiti: “Uya. Ngatirwisane takarirana chiso nechiso.”+
9 Jehoashi mambo waIsraeri akabva atumira shoko kuna Amaziya mambo waJudha, achiti: “Utumbambeva hwaiva muRebhanoni hwakatumira shoko kumusidhari+ waiva muRebhanoni, huchiti, ‘Ipa mwanakomana wangu mwanasikana wako kuti ave mudzimai wake.’ Asi imwe mhuka yomusango yaiva muRebhanoni yakapfuura nepo ikatsika-tsika utumbambeva hwacho.+
10 Chokwadi, iwe wakaparadza+ Edhomu, zvino mwoyo wako waita kuti uzvikwidziridze.+ Gara nokukudzwa kwako,+ ugare mumba mako. Unodirei kukakavara+ izvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka,+ woparara iwe nevaJudha vauinavo?”
11 Asi Amaziya haana kuteerera.+
Naizvozvo Jehoashi mambo waIsraeri akauya, vakarwisana vakatarirana chiso nechiso,+ iye naAmaziya mambo waJudha, kuBheti-shemeshi+ raJudha.
12 Judha akakundwa naIsraeri,+ zvokuti mumwe nomumwe akatizira kutende rake.
13 Jehoashi mambo waIsraeri akabata Amaziya mambo waJudha mwanakomana waJehoashi mwanakomana waAhaziya kuBheti-shemeshi, vachibva vazosvika kuJerusarema, akaputsa rusvingo rweJerusarema kubvira paGedhi raEfremu+ kusvikira kuGedhi Repakona,+ makubhiti mazana mana.
14 Akatora ndarama yose nesirivha nezvinhu zvose zvaiva muimba yaJehovha+ nomunzvimbo dzaichengeterwa pfuma yeimba yamambo pamwe chete nevasungwa, akabva adzokera kuSamariya.
15 Mamwe mabasa ose aJehoashi, zvaakaita uye kuva kwake nesimba nokurwa kwaakaita naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri?
16 Jehoashi akazorara nemadzitateguru ake,+ akavigwa muSamariya+ pamwe chete nemadzimambo aIsraeri, mwanakomana wake Jerobhoamu+ akatanga kutonga panzvimbo pake.
17 Amaziya+ mwanakomana waJehoashi mambo waJudha akararama kwemakore gumi nemashanu pashure pokufa kwaJehoashi+ mwanakomana waJehoahazi mambo waIsraeri.+
18 Mamwe mabasa ose aAmaziya, haana kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aJudha?+
19 Vakazobatana kuti vamumukire+ vari kuJerusarema, iye akatizira kuRakishi;+ asi vakatuma vanhu, vakamutevera kuRakishi, vakamuurayira ikoko.+
20 Naizvozvo vakamutakura nemabhiza, iye akavigwa+ muJerusarema pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi.+
21 Vanhu vose vaJudha vakabva vatora Azariya,+ panguva yaaiva nemakore gumi nematanhatu,+ vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo pababa vake Amaziya.+
22 Iye akavaka Erati,+ akaridzorera kuna Judha pashure pokunge mambo arara nemadzitateguru ake.
23 Mugore rechigumi nemashanu raAmaziya mwanakomana waJehoashi mambo waJudha, Jerobhoamu+ mwanakomana waJehoashi mambo waIsraeri akava mambo muSamariya kwemakore makumi mana nerimwe chete.
24 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha. Haana kurega zvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Israeri nazvo.+
25 Iye ndiye akadzorera muganhu waIsraeri kubvira kumuganhu weHamati+ kusvikira kugungwa reArabha,+ maererano neshoko raJehovha Mwari waIsraeri uyo akataura achishandisa mushumiri wake Jona+ mwanakomana waAmitai, muprofita wokuGati-heferi.+
26 Nokuti Jehovha akanga aona kutambudzika kukuru kwaIsraeri.+ Kwakanga kusina asina mubatsiri kana asina zvaanobatsira, uye kwakanga kusina anobatsira Israeri.+
27 Jehovha akanga apikira kusaparadza zita raIsraeri pasi pematenga.+ Naizvozvo akavaponesa+ noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi.
28 Mamwe mabasa ose aJerobhoamu nezvose zvaakaita nokuva kwake nesimba, kurwa kwaakaita nokudzorera kwaakaita Dhamasiko+ neHamati+ kuJudha iri muIsraeri, hazvina kunyorwa here mubhuku remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri?
29 Jerobhoamu akazorara nemadzitateguru ake, pamwe chete nemadzimambo aIsraeri, mwanakomana wake Zekariya+ akatanga kutonga panzvimbo pake.

