2 Madzimambo 13:1-25
13 Mugore rechimakumi maviri nematatu raJehoashi+ mwanakomana waAhaziya+ mambo waJudha, Jehoahazi+ mwanakomana waJehu+ akava mambo waIsraeri muSamariya kwemakore gumi nemanomwe.
2 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ akatevera chivi chaJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, chaakatadzisa Israeri nacho.+ Haana kutsauka pachiri.
3 Jehovha akatsamwira+ vaIsraeri kwazvo, zvokuti akavaisa muruoko rwaHazaeri+ mambo weSiriya nomuruoko rwaBheni-hadhadhi+ mwanakomana waHazaeri mazuva avo ose.
4 Kwapera nguva yakati, Jehoahazi akatsvaka kunzwirwa nyasha+ naJehovha, zvokuti Jehovha akamuteerera;+ nokuti akanga aona kudzvinyirirwa kwaiitwa Israeri,+ nokuti mambo weSiriya akanga avadzvinyirira.+
5 Naizvozvo Jehovha akapa vaIsraeri muponesi,+ zvokuti havana kuzodzvinyirirwa neSiriya, uye vanakomana vaIsraeri vakaramba vachigara mumisha yavo sezvavaiita kare.+
6 (Asi havana kurega chivi cheimba yaJerobhoamu, chaakatadzisa Israeri nacho.+ Akafamba machiri;+ uye kunyange danda dzvene+ rakanga rimire muSamariya.)
7 Nokuti iye akanga asina kusiyira Jehoahazi varwi chero vapi zvavo kunze kwevatasvi vemabhiza makumi mashanu nengoro gumi nevarume zviuru gumi vaifamba netsoka,+ nokuti mambo weSiriya akanga avaparadza,+ kuti avaite seguruva riri pari kupurwa.+
8 Mamwe mabasa ose aJehoahazi nezvose zvaakaita nokuva kwake nesimba, hazvina kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri?
9 Jehoahazi akazorara nemadzitateguru ake, vakamuviga muSamariya;+ uye mwanakomana wake Jehoashi+ akatanga kutonga panzvimbo pake.
10 Mugore rechimakumi matatu nemanomwe raJehoashi mambo waJudha, Jehoashi+ mwanakomana waJehoahazi akava mambo waIsraeri muSamariya kwemakore gumi nematanhatu.
11 Akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha.+ Haana kurega zvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Israeri nazvo.+ Iye akafamba mazviri.
12 Mamwe mabasa ose aJehoashi nezvose zvaakaita nokuva kwake nesimba nokurwa kwaakaita+ naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aIsraeri?
13 Jehoashi akazorara nemadzitateguru ake, Jerobhoamu+ akagara pachigaro chake choumambo. Jehoashi akavigwawo muSamariya pamwe chete nemadzimambo aIsraeri.+
14 Zvino Erisha+ akanga ava kurwara nechirwere chaizomuuraya.+ Naizvozvo Jehoashi mambo waIsraeri akaenda kwaaiva, akatanga kuchemera pachiso chake achiti: “Baba vangu,+ baba vangu kani, ngoro yehondo yaIsraeri nevatasvi vake vemabhiza!”+
15 Erisha akati kwaari: “Tora uta nemiseve.” Naizvozvo akatora uta nemiseve.
16 Akati kuna mambo waIsraeri: “Bata uta.” Naizvozvo akahubata, Erisha achibva aisa maoko ake pamaoko+ amambo.
17 Akabva ati: “Vhura hwindo rokumabvazuva.” Naizvozvo akarivhura. Erisha akazoti: “Pfura!” Naizvozvo akapfura. Zvino iye akati: “Museve waJehovha woruponeso, iwo museve woruponeso+ unorwisa Siriya! Iwe uchakunda Siriya kuAfeki+ kusvikira waiparadza chose.”
18 Zvino akati: “Tora miseve yacho.” Iye akaitora. Akabva ati kuna mambo waIsraeri: “Pfura pasi.” Naizvozvo akapfura katatu ndokurega.+
19 Munhu waMwari wechokwadi+ akamutsamwira; nokudaro akati: “Waifanira kupfura kashanu kana katanhatu! Kudai wadaro waizokunda Siriya kusvikira waiparadza chose, asi zvino uchakunda Siriya katatu.”+
20 Pashure paizvozvo Erisha akafa, vakamuviga.+ Zvino kwaiva nemapoka evapambi+ evaMoabhi+ aigara achiuya munyika pakutanga kwegore.
21 Zvavakanga vachiviga mumwe murume, vakaona boka revapambi. Vakabva vakanda murume wacho muguva raErisha, vakaenda. Murume wacho paakagunzva mapfupa aErisha, akabva ava mupenyu,+ akamira netsoka dzake.+
22 Zvino Hazaeri+ mambo weSiriya akadzvinyirira+ vaIsraeri mazuva ose aJehoahazi.
23 Asi Jehovha akavanzwira nyasha,+ akavanzwira ngoni,+ akafunga nezvavo nokuda kwesungano yake+ naAbrahamu,+ Isaka+ naJakobho;+ uye haana kuda kuvaparadza,+ uye haana kuvarasa vachibva pamberi pake kusvikira zvino.
24 Hazaeri mambo weSiriya akazofa, mwanakomana wake Bheni-hadhadhi akatanga kutonga panzvimbo pake.
25 Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve Bheni-hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aakanga atorera Jehoahazi baba vake muhondo. Jehoashi akamukunda katatu, akatorazve maguta aIsraeri.+

