2 Madzimambo 11:1-21
11 Zvino Atariya+ amai vaAhaziya+ vakaona kuti mwanakomana wavo akanga afa. Naizvozvo vakasimuka, vakaparadza vana vose voumambo.+
2 Zvisinei Jehoshebha+ mwanasikana waMambo Jehoramu, hanzvadzi yaAhaziya, akatora Jehoashi+ mwanakomana waAhaziya, akamuba pakati pevanakomana vamambo vaizourayiwa, iye nomukadzi aimurera, akavaisa muimba yokurara yomukati, vakaramba vakamuvanza+ kuna Atariya, uye haana kuurayiwa.
3 Akaramba ainaye paimba yaJehovha akavanda kwemakore matanhatu, Atariya paakanga achitonga nyika.+
4 Zvino mugore rechinomwe Jehoyadha+ akatuma shoko, akatora vakuru vemazana vevarindi veKariya+ nevevamhanyi,+ akavaunza kwaaiva kuimba yaJehovha, akaita sungano+ navo, akaita kuti vapike+ vari paimba yaJehovha, achibva azovaratidza mwanakomana wamambo.
5 Akavarayira achiti: “Izvi ndizvo zvamuchaita: Chikamu chenyu chimwe chete pazvikamu zvitatu chichauya pasabata, chizonyatsorinda imba yamambo;+
6 uye chimwe chete pazvikamu zvitatu chichava paGedhi+ reNheyo, uye chimwe chikamu pazvikamu zvitatu chichava pagedhi riri shure kwevamhanyi; munofanira kunyatsorinda imba+ yacho muchichinjana.
7 Pane mapoka enyu maviri anofanira kuuya ose pasabata, uye anofanira kunyatsorinda imba yaJehovha nokuda kwamambo.
8 Munofanira kukomba mambo, mumwe nomumwe aine zvombo zvake muruoko rwake; uye chero munhu upi zvake anopinda pakati pemitsara achaurayiwa. Rambai muina mambo paanobuda nepaanopinda.”
9 Zvino vakuru vemazana+ vakaita maererano nezvose zvakanga zvarayirwa nomupristi Jehoyadha. Naizvozvo mumwe nomumwe akatora varume vake vaiuya pasabata,+ pamwe chete nevaya vaibuda pasabata, vakabva vapinda maiva nomupristi Jehoyadha.
10 Zvino mupristi akapa vakuru vemazana mapfumo nenhoo dzeraundi dzaiva dzaMambo Dhavhidhi, dzaiva muimba yaJehovha.+
11 Vamhanyi+ vakaramba vakamira, mumwe nomumwe aine zvombo zvake muruoko rwake, kubvira kurutivi rworudyi rweimba kusvikira kurutivi rworuboshwe rweimba, pedyo neatari+ uye pedyo neimba, kumativi ose vari pedyo namambo.
12 Akabva abudisa mwanakomana+ wamambo, akaisa korona+ neChipupuriro+ paari; naizvozvo vakamugadza kuti ave mambo,+ vakamuzodza.+ Vakatanga kuombera+ vakati: “Mambo ngaararame!”+
13 Atariya paakanzwa mheremhere yevanhu vaimhanya, akabva aenda kwaiva nevanhu kuimba yaJehovha.+
14 Akatarira, akabva aona mambo amire pedyo nembiru+ maererano netsika yacho, vakuru nevaridzi vemabhosvo+ vari pedyo namambo, vanhu vose vomunyika yacho vachifara,+ vachiridza mabhosvo. Atariya+ akabva abvarura nguo dzake akatanga kushevedzera achiti: “Ndamukirwa! Ndamukirwa!”+
15 Asi mupristi Jehoyadha akarayira vakuru vemazana, vakagadzwa veuto rehondo,+ akati kwavari: “Mubvisei pakati pemitsara, uye ani naani anomutevera, ngaaurayiwe nebakatwa!”+ Nokuti mupristi akanga ati: “Musamurega achiurayirwa muimba yaJehovha.”
16 Naizvozvo vakamubata, akaenda nenzira yokwaipindwa nako nemabhiza+ kweimba yamambo,+ akaurayirwa ikoko.+
17 Jehoyadha akabva aita sungano+ pakati paJehovha+ namambo+ nevanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uyewo pakati pamambo nevanhu.+
18 Pashure paizvozvo, vanhu vose vomunyika yacho vakaenda kuimba yaBhaari, vakaputsa atari dzake;+ uye vakanyatsoputsa mifananidzo yake,+ vakaurayira Metani+ mupristi waBhaari pamberi peatari dzacho.+
Zvino mupristi akagadza vatariri veimba yaJehovha.+
19 Akatorawo vakuru vemazana nevarindi veKariya+ nevamhanyi+ nevanhu vose vomunyika yacho, kuti vabvise mambo muimba yaJehovha; uye vakazoenda nenzira yokugedhi+ revamhanyi inoenda kuimba yamambo; uye iye akagara pachigaro+ chemadzimambo.
20 Vanhu vose vomunyika yacho vakaramba vachifara;+ uye guta harina kuva nechainetsa, uye vakanga vaurayira Atariya paimba yamambo nebakatwa.+
21 Jehoashi+ akanga aine makore manomwe paakatanga kutonga.+

