Zvapupu zvaJehovha —Tiri Vanhu Vakaita Sei?
Tinobva mumadzinza nemitauro zvakasiyana-siyana asi zvinangwa zvedu zvakafanana ndizvo zvinoita kuti tibatane. Chinonyanya kukosha ndechokuti tinoda kukudza Jehovha, Mwari akaita kuti Bhaibheri rinyorwe uye Musiki wezvose. Tinoedza chaizvo kutevedzera Jesu Kristu uye tinodada nokudaidzwa kuti vaKristu. Mumwe nomumwe wedu anobatsira vanhu kuti vadzidze Bhaibheri uye nezveUmambo hwaMwari. Chinoita kuti tinzi Zvapupu zvaJehovha imhaka yokuparidza, uye kutaura kwatinoita nezvaJehovha Mwari noUmambo hwake.
Ongorora zviri panzvimbo yedu. Verenga Bhaibheri paIndaneti. Ziva zvakawanda pamusoro pedu uye zvatinotenda.


